Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 6

Mwanakomana Akanaka, Nowakaipa

Mwanakomana Akanaka, Nowakaipa

TARIRA Kaini naAbheri zvino. Vose vari vaviri vakura. Kaini akava murimi. Anorima zviyo, michero nemirivo.

Abheri akava mupfuyi wamakwai. Anoda kutarisira makwayana. Anokura kuva makuru, nokudaro Abheri nokukurumidza anova neboka rose ramakwai rokutarisira.

Rimwe zuva Kaini naAbheri vanounzira Mwari chipo. Kaini anounza zvokudya zvaakarima. Uye Abheri anounza gwai rakanakisisa raanaro. Jehovha anofadzwa naAbheri nechipo chake. Asi haafadzwi naKaini nechipo chake. Unoziva here kuti neiko?

Handi kungoti bedzi chipo chaAbheri chakanaka pane chaKaini. Imhaka yokuti Abheri munhu akanaka. Anoda Jehovha nomukoma wake. Asi Kaini akaipa; haadi munin’ina wake.

Nokudaro Mwari anoudza Kaini kuti achinje nzira dzake. Asi Kaini haatereri. Akatsamwa kwazvo nokuti Mwari anoda Abheri kwazvo. Nokudaro Kaini anoti kuna Abheri, ‘Handei kumunda.’ Ikoko, vari voga havo, Kaini anorova munin’ina wake Abheri. Anomurova nesimba zvokuti anomuuraya. Chakanga chisiri chinhu chakaipa chokuti Kaini aite here?

Kunyange Abheri akafa, Mwari achikumuyeuka. Aiva akanaka, uye Jehovha haambokanganwi munhu akadaro. Saka rimwe zuva Jehovha Mwari achamutsira Abheri kuupenyu. Panguvayo Abheri haazombofi. Achakwanisa kugara pasi pano narini. Hakuzovi kwakanaka here kuziva vanhu vakadai saAbheri?

Asi Mwari haafadzwi navanhu vakadai saKaini. Saka Kaini auraya munin’ina wake, Mwari akamuranga nokumudzingira kure nemhuri yavo. Apo Kaini akaenda kundogara murumwe rutivi rwapasi, akaenda neimwe yehanzvadzi dzake, uye yakava mudzimai wake.

Munguva yakati kuti Kaini nomudzimai wake vakavamba kuva navana. Vamwe vanakomana navanasikana vaAdhama naEvha vakaroorana, uye vakavawo navana. Nokukurumidza pasi pano pakava navanhu vazhinji. Ngatidzidze pamusoro pevamwe vacho.