Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 10

Mafashamo Makuru

Mafashamo Makuru

KUNZE kweareka, vanhu vakapfuurira kuita zvinhu zvavo sanekare. Asi havana kudavira kuti Mafashamo aizouya. Vanofanira kuve vakaseka kupinda nakare kose. Asi nokukurumidza vakarega kuseka.

Kamwe kamwe mvura yakavamba kunaya. Yakadururuka mudenga sapaye paunodurura mvura ichibva mubhakiti. Noa ave akarurama! Asi kwakanga kwave kunyanyononoka kwazvo zvino kuti ani naani apinde muareka. Suo rakanga rapfigwa zvakasimba naJehovha.

Nokukurumidza mapani ose akanga afukidzwa. Mvura yakaita senzizi huru. Yakapidigura miti ichikungurutsa mazidombo, uye yakaita ruzha rukuru. Vanhu vakatya. Vakakwira muzvikomo. O, vakashuva sei kuti kudai vakaterera Noa ndokupinda muareka apo suo rakanga richakavazarukira! Asi zvino vakanga vanyanyononoka.

Mvura yakangoramba ichikwira zvikuru. Kwamazuva 40 nousiku 40 mvura yakadururuka mudenga. Yakanyudza nhivi dzamakomo, uye nokukurumidza kunyange makomo marefu refu akanyudzwa. Saka sokutaura kwakanga kwaita Mwari, vanhu vose nemhuka vaiva kunze kweareka vakafa. Asi ari wose aiva mukati akanga akakotsekana.

Noa nevanakomana vake vakanga vaita basa rakanaka rokuvaka areka. Mvura yakaisimudza, uye yakayanguruka pamusoro chaipo pemvura. Uye rimwe zuva, mvura isingachanai, zuva rakavamba kupenya. Haiwa chakanga chiri chionwa chakadini. Kwaingova bedzi negungwa rimwe guru kwose kwose. Uye chinhu bedzi chaigona kuonwa chaiva areka inoyanguruka pamusoro.

Hofori dzakanga dzaparara zvino. Dzakanga dzisichipozve kuti dzikuvadze vanhu. Dzose dzakanga dzafa, pamwe chete navanamai vadzo navamwe vanhu vakaipa. Asika chii chakaitika kumadzibaba adzo?

Madzibaba ehofori akanga asiri zvomenemene vanhu vohunhu sesu. Vaiva ngirozi dzakanga dzaburukira pasi kuzogara savanhu pasi pano. Saka pakasvika Mafashamo, hadzinokufa pamwe navamwe vanhu. Dzakarega kushandisa miviri yohunhu yadzakanga dzaita, ndokudzokera kudenga sengirozi. Asi hadzina kuzobvumirwazve kuva rutivi rwemhuri yaMwari. Nokudaro dzakava ngirozi dzaSatani. MuBhaibheri dzinonzi madhimoni.

Mwari akavhuvhutisa mhepo, uye mvura dzamafashamo dzakavamba kupwa. Mwedzi mishanu yapashure areka yakamira pamusoro pegomo. Mamwe mazuva akapfuura, uye avo vari mukati meareka vaigona kutarira kunze vachiona pamusoro pamakomo. Mvura dzakangoramba dzichipwa.

Ipapo Noa akabudisa gunguwo muareka. Raizobhururukira kure kwechinguvana ibvei rodzoka, nokuti raisagona kuwana nzvimbo yakanaka yokumhara. Rakaramba richidaro uye nguva imwe neimwe yaraidzoka, raimhara paareka.

Noa aida kuona kana mvura dzakanga dzapwa mupasi, nokudaro akabudisazve njiva muareka. Asi njiva yakadzokawo nokuti haina kuwana nzvimbo yokugara. Noa akaibudisa kechipiri, uye yakadzoka neshizha romuorivhi mumuromo mayo. Nokudaro Noa akaziva kuti mvura dzakanga dzapwa, Noa akabudisa njiva kechitatu, uye pakupedzisira yakawana nzvimbo yakaoma yokugara.

Mwari zvino akataura naNoa. Akati: ‘Chibuda muareka. Buda nemhuri yako yose nemhuka.’ Vave vari muareka kwerinopfuura gore rose. Nokudaro tingafungidzira chaizvoizvo kuti vose vakafara sei kuvazve kunze vari vapenyu!