Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 5

Upenyu hwakaoma hunovamba

Upenyu hwakaoma hunovamba

KUNZE kwebindu reEdheni, Adhama naEvha vakava nezvinetso zvizhinji. Vaitofanira kushandira zvokudya zvavo nesimba. Panzvimbo pemiti yakanaka yemichero, vaiona minzwa mizhinji noutumbambeva zvichimera pose pose. Ndozvakaitika apo Adhama naEvha vasina kuterera Mwari uye vakarega kuva shamwari Dzake.

Asika chakaipisisa pane ichecho, Adhama naEvha vakatanga kufa. Yeuka, Mwari akavanyevera kuti vaizofa kana vakadya muchero womumwe muti. Eya, muzuvaro ravakadya vakavamba kufa. Aiwa vaiva vakapusa sei kusaterera Mwari!

Vana vose vaAdhama naEvha vakaberekwa Mwari abudisa vabereki vavo mubindu reEdheni. Ikoku kunoreva kuti vana vaizokwegurawo ndokufa.

Kudai Adhama naEvha vakanga vaterera Jehovha, upenyu hwaizodai hwakave huchifadza kwavari navana vavo. Vangadai vose vakararama nokusingaperi mumufarwa pasi pano. Hapana munhu angadai aitofanira kukwegura, kurwara ndokufa.

Mwari anoda kuti vanhu vararame nokusingaperi mumufarwa, uye Anopikira kuti rimwe zuva vachadaro. Handi pasi rose bedzi richava rakatsvinda, asi vanhu vose vachava vakagwinya. Uye ani naani pasi pano achava shamwari yakanaka nani naani uye naMwari.

Asika Evha akanga asichiri shamwari yaMwari. Nokudaro paakabereka vana vake, kwaimuomera. Aiva namarwadzo. Kusaterera Jehovha kwakamuunzira chaizvo rusuruvaro rukuru, haubvumi here?

Adhama naEvha vaiva navanakomana navanasikana vazhinji. Apo dangwe ravo rakaberekwa, vakamutumidza kuti Kaini. Vakatumidza mwanakomana wavo wepiri kuti Abheri. Chii chakaitika kwavari? Unoziva here?