Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIKAMU 2

Mafashamo Kusvikira Kununurwo muEgipita

Mafashamo Kusvikira Kununurwo muEgipita

Vanhu vasere bedzi vakapukunyuka Mafashamo, asi munguva yakati kuti vakawedzera chiverengero kuva zvuuru zvizhinji. Ipapo, makore 352 pashure peMafashamo, Abrahama akaberekwa. Tinodzidza kuti Mwari akapfuurira sei kuchengeta chipikirwa chake nokupa Abrahama mwanakomana ainzi Isaka. Tevere, nezvavanakomana vairi vaIsaka, Jakobho akasarudzwa naMwari.

Jakobho akanga ane mhuri huru yavanakomana 12 navanasikana vakati kuti. Vanakomana vaJakobho 10 vaivenga munin’ina wavo Josefa nokudaro vakamutengesera muutapwa muEgipita. Gare gare, Josefa akava mubati ushe anokosha weEgipita. Pakasvika nzara huru, Josefa akaedza vakoma vake kuti agoona kana vakanga vachinja mwoyo. Pakupedzisira, mhuri yose yaJakobho, vaIsraeri, yakatamira Egipita. Ikoku kwakaitika makore 290 pashure pokuberekwa kwaAbrahama.

Kwamakore 215 akatevera vaIsraeri vakagara muEgipita. Pashure pokufa kwaJosefa, vakava varanda imomo. Munguva yakati kuti, Mosesi akaberekwa, uye Mwari akamushandisa kununura vaIsraeri muEgipita. Ose, makore 857 enhau anofukidzwa muChikamu CHECHIPIRI.

 

ZVIRI MUCHIKAMU CHINO

NHAU 11

Muraraungu Wokutanga

Paunoona muraraungu unobva wayeukei?

NHAU 12

Vanhu Vanovaka Zishongwe

Mwari haana kufara nazvo, uye chirango chaakapa chichiri kuoneka nanhasi.

NHAU 13

Abrahama​—Shamwari yaMwari

Nei Abrahama akasiya musha wake wakanaka achinogara mumatende kweupenyu hwake hwese?

NHAU 14

Mwari Anoidza Kutenda kwaAbrahama

Nei Mwari akati ape mwana wake Isaka sechibayiro?

NHAU 15

Mudzimai waRoti Anocheuka

Tinowana chidzidzo chinokosha pane zvaakaita.

NHAU 16

Isaka Anowana Mudzimai Akanaka

Chii chaiita kuti Ribheka ave mudzimai akanaka? Rwaiva runako rwake here kana kuti chimwewo chinhu?

NHAU 17

Manyambiri Akanga Akasiana

Baba vavo, Isaka, vainyanya kuda Esau, asi amai vavo, Ribheka, vainyanya kuda Jakobho.

NHAU 18

Jakobho Anoenda Harani

Jakobho anotanga kuroora Reya kunyange zvazvo Rakeri ari iye waaida.

NHAU 19

Jakobho Ane Mhuri Huru

Madzinza 12 evaIsraeri akatumidzwa kubva pavanakomana 12 vaJakobho here?

NHAU 20

Dhina Anopinda Muchinetso

Zvakakonzerwa nekutamba neshamwari dzakaipa.

NHAU 21

Vakoma vaJosefa Vanomuvenga

Chii chakaita kuti vamwe vakoma vaJosefa vade kumuuraya?

NHAU 22

Josefa Anoiswa Mutorongo

Anoiswa mujeri, kwete nekuti akanga atyora mutemo, asi nekuti akanga aita zvakanaka.

NHAU 23

Maroto aFarao

Mombe 7 nehura 7 dzezviyo dzine pazvakafanana.

NHAU 24

Josefa Anoedza Vakoma Vake

Angaziva sei kuti vachinja unhu hwavaiva nahwo pavakamutengesa semuranda?

NHAU 25

Mhuri Inotamira Egipita

Nei vanhu vemumhuri yaJakobho vakanzi vaIsraeri?

NHAU 26

Jobho Anotendeka Kuna Mwari

Jobho akarasikirwa nepfuma yake, vana vake, uye akarwara zvisingaiti. Mwari aimuranga here?

NHAU 27

Mambo Akaipa Anodzora Egipita

Nei akaudza vanhu vake kuti vauraye vana vakomana vese vachiIsraeri vainge vachangoberekwa?

NHAU 28

Maponeserwe Akaitwa Mosesi

Amai vake vanotsvaga nzira yekuti mwana wavo asaurayiwa sezvakanga zvarayirwa namambo kuti vana vakomana vese vanofanira kuurayiwa.

NHAU 29

Chikonzero Nei Mosesi Akatiza

Mozisi paaiva nemakore 40, aifunga kuti akanga ava kukwanisa kununura vaIsraeri, asi zvakanga zvisirizvo.

NHAU 30

Gwenzi Rinopfuta Moto

Achishandisa zvishamiso zvinotevedzana, Mwari anoudza Mozisi kuti nguva yekuti abudise vaIsraeri muIjipiti yakanga yakwana.

NHAU 31

Mosesi naAroni Vanoona Farao

Nei Farao asiri kuteerera Mozisi orega vaIsraeri vachienda?

NHAU 32

Madambudziko 10

Mwari akaunza matambudziko 10 pavaIjipiti nekuti mambo wavo aiomesa musoro achiramba kuti vaIsraeri vabude muIjipiti.

NHAU 33

Kuyambuka Gungwa Dzvuku

Mozisi anopatsanura mvura yemuGungwa Dzvuku achishandisa simba raMwari uye vaIsraeri vanoyambuka nepakaoma.