Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 14

Mwari Anoidza Kutenda kwaAbrahama

Mwari Anoidza Kutenda kwaAbrahama

UNGAONA zviri kuita Abrahama pano here? Ane banga, uye zvinenge achauraya mwanakomana wake. Ko angaitirei kudaro. Kutanga, ngationei kuti Abrahama naSara vakawana sei mwanakomana wavo.

Yeuka, Mwari akavapikira kuti vaizova nomwanakomana. Asi kunenge kusaibvira, nokuti Abrahama naSara vakanga vakwegura. Zvisinei, Abrahama akadavira kuti Mwari angaita chairatidzika kuva chisingabviri. Ko zvino chii chakaitika?

Mwari akati aita chipikirwa chake, gore rose rakapfuura. Zvino, apo Abrahama akanga ava namakore 100 uye Sara ava namakore 90, vakava nomwanakomana ainzi Isaka. Mwari akanga achengeta chipikirwa chake!

Asi apo Isaka akanga akura, Jehovha akaedza kutenda kwaAbrahama. Akadana: ‘Abrahama!’ Abrahama ndokupindura: ‘Ndiri pano!’ Mwari ndokuti: ‘Tora mwanakomana wako mumwe bedzi, Isaka, ugoenda kugomo randichakuratidza. Urairapo mwanakomana wako ndokumupira sechibairo.’

Mashokowo akasuruvarisa Abrahama sei, nokuti Abrahama aida mwanakomana wake zvikuru. Asika yeuka, Mwari akanga apikira kuti vana vaAbrahama vaizogara muKanani. Asi kwaizoitika sei kudai Isaka akanga afa? Abrahama haana kunzwisisa, asi akaterera Mwari.

Paakasvika kugomo, Abrahama akasunga Isaka ndokumuisa paartari yaakavaka. Zvino akabudisa banga kuti auraye mwanakomana wake. Asi pakarepo ngirozi yaMwari yakadana: ‘Abrahama, Abrahama!’ Ipapo Abrahama akapindura: ‘Ndiri pano!’

Mwari akati: ‘Usakuvadza mukomana kana kuita chinhu chipi nechipi paari, zvino ndoziva kuti unonditenda, nokuti hauna kundinyima mwanakomana wako, mumwe bedzi.’

Haiwa kutenda kwakadini kwaiva naAbrahama muna Mwari! Aidavira kuti hakuna chinhu chisingabvirire Jehovha, uye kuti Jehovha aitogona kumutsa Isaka muvakafa. Asi kwaiva kusiri zvo-mene kuda kwaMwari kuti Abrahama auraye Isaka. Saka Mwari akaita kuti gwai ribatwe mumakwenzi ari pedyopo, ndokuudza Abrahama kuribaira panzvimbo pomwanakomana wake.