Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 20

Dhina Anopinda Muchinetso

Dhina Anopinda Muchinetso

UNOONA here kuti Dhina ari kushanyira vanaani? Ari kundoona vamwe vavasikana vanogara muKanani. Baba vake Jakobho vangafara naikoku here? Kukubetsera kupindura mubvunzo uyu, yeuka chakafungwa naAbrahama naIsaka pamusoro pavakadzi vomuKanani.

Abrahama akada here kuti mwanakomana wake Isaka aroore musikana muKanani? Aiwa. Isaka naRebheka vakada here kuti mwanakomana wavo Jakobho aroore musikana weKanani? Aiwa. Unoziva here kuti nei?

Nokuti ava vanhu vomuKanani vainamata vamwari venhema. Vaiva vanhu vasina kunaka vokuva navo savarume navadzimai, uye vaiva vanhu vasina kunaka vokuva navo seshamwari dzapedyo. Saka tingasimbisira kuti Jakobho haaizofara kuti mwanasikana wake akanga achiita ushamwari naava vasikana vechiKanani.

Chokwadika, Dhina akapinda muchinetso. Ungaona here murume uyo wechiKanani ari mumufananidzo ari kutarira Dhina? Zita rake ndiShekemi. Rimwe zuva pakashanya Dhina, Shekemi akatora Dhina ndokumumanikidza kuvata naye. Kwaiva kwakaipa, nokuti varume navakadzi vakaroorana bedzi vanofanira kuvata pamwe chete. Chinhu ichi chakaitirwa Dhina naShekemu chakaparira chinetso chikurusa.

Apo hanzvadzi dzaDhina dzakanzwa chakanga chaitika, dzakashatirwa kwazvo. Mbiri dzadzo, Simeyoni naRevhi, dzakashatirwa zvokuti dzakatora minondo ndokupinda muguta dzikavhundutsa vanhu. Ivo navanin’ina vavo vakauraya Shekemi navamwe varume vose. Jakobho akashatirwa nokuti vanakomana vake vakaita izvi zvakaipa.

Chinetso ichi chose chakatanga sei? Yaiva mhaka yokuti Dhina akaita ushamwari navanhu vasaiterera mitemo yaMwari. Hatizati tichizoda kuva neshamwari dzakadaro, anditika?