Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 30

Gwenzi Rinopfuta Moto

Gwenzi Rinopfuta Moto

MOSESI akanga asvika kugomo reHorebhi kundowana uswa hwamakwai ake. Pano akaona gwenzi richipfuta mwoto, asi rakanga risingatsvi!

Mosesi akafunga kuti: ‘Chishamiso ichi.’ ‘Ndichaswedera pedyo ndigonyatsoona.’ Paakaswedera pedyo, inzwi rakabva mugwenzi, richiti: ‘Usaswederazve pedyo. Bvisa shangu dzako, nokuti umire panzvimbo tsvene.’ Akanga ari Mwari aitaura nokungirozi, saka Mosesi akafukidza chiso chake.

Zvino Mwari akati: ‘Ndaona kutambura kwavanhu vangu vari muEgipita. Nokudaro ndichavasunungura, uye iwe ndiwe wandinotuma kundobudisa vanhu vangu muEgipita.’ Jehovha aizoendesa vanhu vake kunyika yakaisvonaka yeKanani.

Asi Mosesi akati: ‘Ini ndini aniko. Ndingaita sei ikoku? Asi kana ndikaenda. VaIsraeri vachati kwandiri, “Watumwa naniko?” Ipapo ndichatii?’

Mwari akati: ‘Izvi ndozvauchataura.’ ‘“JEHOVHA Mwari waAbrahama, Mwari waIsaka naMwari waJakobho andituma kwamuri.”’ Uye Jehovha akawedzera kuti: ‘Ndiro zita rangu nokusingaperi.’

Mosesi akati: ‘Asi nganditi vanorega kundidavira pandinoti mandituma.’

‘Chiiko chiri muchanza chako?’ Jehovha akabvunza.

Mosesi akati: ‘Itsvimbo.’

Mwari akati: ‘Ikande pasi.’ Uye apo Mosesi akakanda, tsvimbo yakava nyoka. Ipapo Jehovha akaratidza Mosesi rimwe nenji. Akati: ‘Pinza chanza chako munguvo yako.’ Mosesi akapinza, uye paakabudisa chanza chake, chakanga chakachena sechando! Chanza chakaoneka sechine chirwere chamaperembudzi. Tevere Jehovha akapa Mosesi simba rokuita nenji retatu. Pakupedzisira akati: ‘Paunoita manenji awa vaIsraeri vachadavira kuti ndakutuma.’

Pashure pakwo Mosesi akaenda kumba ndokuti kuna Jetero: ‘Ndapota ndiregei ndidzoke kuhama dzangu Egipita kundoona kuti dzakadini.’ Zvino Jetero akati kuna Mosesi enda zvakanaka, ipapo Mosesi akavamba rwendo rwokudzokera Egipita.