Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 18

Jakobho Anoenda Harani

Jakobho Anoenda Harani

UNOZIVA here kuti ava varume vari kutaura naJakobho ndivanaani? Afamba mazuva mazhinji, Jakobho akasangana navo patsime. Vaitarisira makwai avo. Jakobho akati: ’Munobva kupi?’

Vakati: ‘Harani.’

Jakobho akati: ‘Munoziva Rabhani here?’

Vakati: ‘Hongu.’ ‘Tarira, hoyo mwanasikana wake Rakeri ari kuuya neboka rake ramakwai.’ Ungaona Rakeri ari kuuya here apo mudaro rakati?

Apo Jakobho akaona Rakeri anamakwai asekuru vake Rabhani, akaenda ndokukungurutsa ibwe patsime kuti makwai anwe mvura. Zvino Jakobho akatsvoda Rakeri ndokumuudza kuti aiva ani. Akanyandurwa kwazvo, akaenda kumba ndokuudza baba vake Rabhani.

Rabhani akafara kwazvo kuti Jakobho agare naye. Uye apo Jakobho akabvunzira kuroora Rakeri, Rabhani akafara. Zvisinei, akakumbira Jakobho kushandira Rakeri mumunda wake makore manomwe. Jakobho akaita ikoku nokuti aida Rakeri zvikuru. Asi apo nguva yeroorano yakasvika, unoziva here chakaitika?

Rabhani akapa dangwe rake Rea kuna Jakobho panzvimbo paRakeri. Apo Jakobho akabvuma kushandira Rabhani mamwe makore manomwe Rabhani akamupawo Rakeri somudzimai wake. Munguva idzedzo Mwari aibvumira varume kuva navanopfuura mudzimai mumwe. Asi zvino, Bhaibheri rinoti murume anofanira kuva nomudzimai mumwe bedzi.