Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 24

Josefa Anoedza Vakoma Vake

Josefa Anoedza Vakoma Vake

JOSEFA anoda kuziva kana vakoma vake 10 vachiri vane utsinye navasina mutsa. Nokudaro anoti: ‘Muri tsori. Mauya kuzowana pakaneta nyika yedu.’

Vanoti: ‘Aiwa, hatizi tsori.’ ‘Tiri vanhu vakatendeseka. Tose tiri hama dzokuropa. Taiva 12. Asi mumwe munin’ina haachisipo, uye gotwe riri kumusha nababa vedu.’

Josefa anoedzesera kusavadavira. Anochengeta mukoma anonzi Simeoni mutorongo, ndokuita kuti vamwe vatore zvokudya ndokuenda kumusha. Asi anovaudza kuti: ‘Pamunodzoka, munofanira kuuya negotwe renyu.’

Pavanodzokera kumusha kuKanani, vakoma vanoudza Jakobho baba vavo chinhu chiri chose chakaitika. Jakobho anosuruvara zvikuru. ‘Josefa haachipo,’ vanochema, ‘uye zvino Simeoni haachipozve. Handizobvumiri kuti muende negotwe rangu Bhenjamini.’ Asi panovamba kupera zvokudya zvavo, Jakobho anovarega vachienda naBhenjamini Egipita kuti vagowana zvimwe zvokudya.

Zvino Josefa anoona vakoma vake vachiuya. Anofara kwazvo kuona munin’ina wake Bhenjamini. Chokwadi, hapana nomumwe wavo anoziva kuti munhu anoisvokosha uyu ndiJosefa. Josefa zvino anoita chimwe chinhu chokuedza vakoma vake 10.

Anoita kuti vabatiri vake vazadze masaga avo ose nezvokudya. Asi asingavazivisi, akaitawo kuti mukombe wake wesirivha chaiwo uiswe musaga raBhenjamini. Vose vaenda uye vafamba daro pfupi panzira, Josefa anotuma vabatiri vake shure kwavo. Pavanovabata, vabatiri vanoti: ‘Nei maba mukombe wesirivha watenzi wedu?’

Vakoma vose vanoti: ‘Hatina kuba mukombe wake.’ ‘Kana mukaona mukombe une upi noupi wedu, munhuyo ngaaurayiwe.’

Zvino vabatiri vanonzvera masaga ose, uye vanowana mukombe musaga raBhenjamini, sezvaunoona pano. Vabatiri vanoti: ‘Vamwe venyu vangaenda havo, asi Bhenjamini anofanira kuenda nesu.’ Ko vakoma 10 vachaitei zvino?

Vose vanodzokera naBhenjamini kumba yaJosefa. Josefa anoudza vakoma vake kuti: ‘Imi mose mungaenda henyu kumusha, asi Bhenjamini anofanira kugara muno somuranda wangu.’

Judha zvino anotaurisa, achiti: ‘Kana ndikadzokera kumusha ndisina mukomana, baba vangu vachafa nokuti vanomuda kwazvo. Nokudaro ndapota, chengetai ini somuranda wenyu iye agoenda kumusha.’

Josefa anogona kuona kuti vakoma vake vachinja. Havachiri vanoutsinye navasinazve mutsa. Ngationei zvinoita Josefa zvino.