Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 21

Vakoma vaJosefa Vanomuvenga

Vakoma vaJosefa Vanomuvenga

Ona kusuruvara nokushaiwa tariro kwakaita mukomana. Uyu ndiJosefa. Vakoma vake vachangobva kumutengesa kuna varume ava vari kuenda Egipita. Josefa achaitwa muranda ikoko. Neiko vakoma vake vaita ichi chinhu chakaipa? Imhaka yokuti vane shanje naJosefa.

Baba vavo Jakobho vaida zvikurusa Josefa. Vakamuitira mutsa pakumusoneserera nguo refu yakanaka. Apo vakoma vake 10 vakaona kudiwa kwaiitwa Josefa naJakobho, vakava neshanje ndokuvenga Josefa. Asi paivawo nechimwe chikonzero nei vaimuvenga.

Josefa akava namaroto maviri. Mumaroto ose aJosefa vakoma vake vaimufugamira. Apo Josefa akaudza vakoma vake aya maroto, ruvengo rwavo rwakatokura zvikuru.

Zvino rimwe zuva vakoma vaJosefa vari kutarisira makwai ababa vavo, Jakobho anokumbira Josefa kundoona kuti vakadini. Apo vakoma vake vanomuona achiuya, vamwe vavo vanoti: ‘Ngatimuuraye!’ Asi Rubheni, dangwe, anoti: ‘Aiwa, musadaro!’ Panzvimbo pakwo vanobata Josefa ndokumukandira mugomba. Ipapo vanogara pasi kuti vasarudze chokuita naye.

Panenge pakarepo varume vokwaIshumaeri vanosvika. Judha anoti kuna vakoma vake: ‘Ngatimutengesei kuvaIshumaeri.’ Uye ndozvavanoita. Vanotengesa Josefa nokuda kwezvimedu 20 zvesirivha. Kushinha uye utsinye hwakadini!

Ko vakoma vachazivisei baba vavo? Vakauraya mbudzi ndokunyika vanyikazve nguo yakaisvonaka yaJosefa muropa rembudzi. Ipapo vanoenda nenguo kumusha kuna baba vavo Jakobho ndokuti: ‘Tawana iyi. Itarirei, kana isiri nguo yaJosefa.’

Jakobho anoona kuti ndiyo. ‘Chikara chinofanira kuve chakauraya Josefa,’ anochema. Uye ndizvo chaizvo zvinoda vakoma vaJosefa kuti baba vavo vafunge. Jakobho akasuruvara zvikurukuru. Anochema kwamazuva mazhinji. Asika Josefa haana kufa. Ngationei kuti chii chinoitika kwaari kwaanoendeswa.