Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 31

Mosesi naAroni Vanoona Farao

Mosesi naAroni Vanoona Farao

APO Mosesi akadzokera Egipita, akaudza mukoma wake Aroni pamusoro pamanenji. Apo Mosesi naAroni vakaratidza vaIsraeri manenji aya, vanhu vose vakadavira kuti Jehovha unavo.

Ipapo Mosesi naAroni vakandoona Farao. Vakamuudza kuti: ‘Jehovha Mwari waIsraeri anoti, “Rega vanhu vangu vaende kwamazuva matatu, kuti vagondinamata murenje.” ’ Asi Farao akati: ‘Handidaviri Jehovha. Uye handizoregi Israeri kuti aende.’

Farao akatsamwa, nokuti vanhu vaida nguva yokusava pabasa kuti vandonamata Jehovha. Nokudaro akavamanikidzira kutoshanda zvakaoma. VaIsraeri vakashora Mosesi nokuda kwamabatirwe avaiitwa, uye Mosesi akasuruvara. Asi Jehovha akamuudza kusanetseka. ‘Ndichaita kuti Farao arege vanhu vangu vaende,’ Jehovha akadaro.

Mosesi naAroni vakandoonazve Farao. Nguva ino vakaita nenji. Aroni akakanda tsvimbo yake pasi, ikava zinyoka. Asi vanhu vakachenjera vaFarao vakakandawo pasi tsvimbo, nyoka ndokuoneka. Asi, tarira! Nyoka yaAroni iri kumedza nyoka dzavanhu vakachenjera. Asi Farao haati aizorega vaIsraeri kuti vaende.

Zvino nguva yakasvika yokuti Jehovha adzidzise Farao chifundo. Unoziva maitire aakakuita here? Kwakanga kuri nokuunza madambudziko 10, kana kuti nhamo huru, paEgipita.

Pashure pamazhinji amadambudziko, Farao anotuma vanhu kundodana Mosesi, ndokuti: ‘Misai dambudziko, uye ndicharega Israeri kuti aende.’ Asi apo dambudziko raizomira, Farao aizochinja ndangariro yake. Haati aizorega vanhu kuti vaende. Asi, pakupedzisira, pashure pedambudziko rechi10, Farao akabudisa vaIsraeri.

Unoziva rimwe nerimwe ramadambudziko 10 here? Vhura peji tigodzidza pamusoro pao.