Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 12

Vanhu Vanovaka Zishongwe

Vanhu Vanovaka Zishongwe

MAKORE mazhinji akapfuura. Vana vaNoa vakava navana vazhinji. Uye vana vavo vakakura ndokuva navana vakawanda. Nokukurumidza pasi pano pakava navanhu vazhinji.

Mumwe waava vanhu aiva muzukuru chibvi waNoa ainzi Nimrodhi. Aiva munhu akaipa aivhima uye aiuraya zvose mhuka navanhu. Nimrodhi akazviitawo mambo wokubata ushe pavamwe vanhu. Mwari haana kuda Nimrodhi.

Vanhu vose panguvayo vaitaura mutauro mumwe. Nimrodhi aida kuti vose vagare pamwe chete kuti agovabata ushe. Zvino unoziva here chaakaita? Akaudza vanhu kuvaka guta nezishongwe mariri. Vaone mumufananidzo vachiita zvidhina.

Jehovha Mwari haana kufadzwa neichi chivako. Mwari aida kuti vanhu vatamire kure ndokugara pasi pose. Asi vanhu vakati: ‘Uyai! ngativakei guta neshongwe refu kwazvo zvokuti chiruvi chayo chigopinda mumatenga. Ipapo tichakurumbira!’ Vanhu vaida rukudzwo rwavo vamene, kwete rwaMwari.

Zvino Mwari akamisa vanhu kuvaka shongwe. Unoziva here kuti akakuita sei? Nokusakisa kamwe kamwe vanhu kutaura mitauro yakasianasiana, panzvimbo pomumwe bedzi. Vavaki havana kuzonzwisisanazve. Ndokusaka guta ravo rakazonzi Bhabheri, kana Bhabhironi, kureva “vhiringidziko.”

Zvino vanhu vakavamba kuenda kure neBhabheri. Mapoka avanhu vaitaura mutauro mumwewo akaenda kundogara pamwe chete mumamwe mativi apasi.