Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 19

Jakobho Ane Mhuri Huru

Jakobho Ane Mhuri Huru

CHIMBOTARIRA iyi mhuri huru. Ava vanakomana 12 vaJakobho. Uye aivawo navanasikana. Unoziva mazita avapi navapi vavanavo here? Ngatidzidzei mamwe acho.

Rea akabereka Rubheni, Simeyoni, Revhi naJudha. Apo Rakeri akaona kuti anga asingabereki vana, akasuruvara zvikuru. Ipapo akapa mubatiri wake Bhirha Jakobho, Bhirha ndokuva navanakomana vaviri vainzi Dhani naNaftari. Reya akapawo mubatiri wake Zirpa Jakobho, Zirpa ndokubereka Gadhi naAsheri. Reya pakupedzisira akavazve navanakomana vaviri, Isakari naZebhuruni.

Pakupedzisira Rakeri akagona kuva nomwana. Akamutumidza kuti Josefa. Gare gare tichadzidza zvimwe zvizhinji nezvaJosefa, nokuti akazova munhu anoisvokosha. Ava ndivo vanakomana 11 vakaberekerwa Jakobho paaigara nababa vaRakeri Rabhani.

Jakobho aivawo navanasikana, asi Bhaibheri rinopa zita romumwe bedzi wavo. Zita rake rainzi Dhina.

Nguva yakasvika yokuti Jakobho asarudze kusiya Rabhani ndokudzokera Kanani. Akaunganidza pamwe chete mhuri yake huru namapoka ake makuru amakwai neemombe, ndokuvamba rwendo rurefu.

Jakobho nemhuri yake vadzokera muKanani nguva shoma, Rakeri akabereka mumwe mwanakomana. Kwakaitika pavaiveri parwendo. Rakeri akatambudzika, uye akazofa achingunosununguka. Asi kakomana kaiva kapenyu. Jakobho akamutumidza kuti Bhenjamini.

Tinoda kuyeuka mazita avanakomana 12 vaJakobho nokuti rudzi rwose rwaIsraeri rwakabva mavari. Idika, ndudzi 12 dzaIsraeri dzinotumidzwa mazita avanakomana 10 vaJakobho navakomana vaviri vaJosefa. Isaka akararama makore mazhinji vakomana ava vose vaberekwa, uye kunofanira kuve kwakamufadza kuva navazukuru vazhinji. Ngationei chakaitika kumuzukurukadzi wake Dhina.