Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIKAMU 3

Nunurwo muEgipita Kusvikira Kuna Mambo Wokutanga waIsraeri

Nunurwo muEgipita Kusvikira Kuna Mambo Wokutanga waIsraeri

Mosesi akatungamirira vaIsraeri kubva muutapwa muEgipita kuenda kuGomo reSinai, apo Mwari akavapa mitemo yake. Pashure, Mosesi akatuma varume 12 kundosora nyika yeKanani. Asi 10 vavo vakadzoka nomushumo wakashata. Vakaparira vanhu kuda kudzokera Egipita. Mwari akaranga vaIsraeri nokuda kweshaikwo yokutenda nokuvaita kuti vadzungaire makore 40 murenje.

Pakupedzisira, Joshua akasarudzwa kutungamirira vaIsraeri kupinda munyika yeKanani. Kuti agovabetsera kutora nyikayo, Jehovha akaparira manenji kuitika. Akaita kuti kuyerera kwoRwizi rweJoridhani kumire, masvingo eJeriko akoromoke, nezuva kuti rimire zuva rose. Pashure pamakore matanhatu, nyika yakatorwa kuna vaKanani.

Kuvamba naJoshua, Israeri akabatwa ushe kwamakore 356 navatongi. Tinodzidza nezvavazhinji vavo, kubatanidza naBharaki, Gidheoni, Jefta, Samsoni naSamueri. Tinoravawo nezvavakadzi vakadai saRakabhi, Dhebhora, Jaeri, Rute, Naome naDherira. Ose, chikamu CHECHITATU chinofukidza makore 396 enhau.

 

ZVIRI MUCHIKAMU CHINO

NHAU 34

Rudzi Rutsva Rwezvokudya

Zvekudya izvi zvavakapiwa naMwari zvaiita kudonha zvichibva kudenga.

NHAU 35

Jehovha Anopa Mitemo Yake

Mitemo ipi miviri inokosha kupfuura Mirayiro Gumi?

NHAU 36

Mhuru Yendarama

Chii chakaita kuti vanhu vanamate chidhori chakagadzirwa nemhete dzavo dzakanyungudutswa?

NHAU 37

Tendi Rokunamatira

Kamuri yaro remukati raiva neareka yesungano.

NHAU 38

Tsori 12

Tsori 10 dzinotaura chinhu chimwe chete, asi mbiri dzinotaurawo zvimwe. VaIsraeri vanoteerera zvinotaurwa nevapi?

NHAU 39

Tsvimbo yaAroni Inoita Maruva

Zvakafamba sei kuti chimuti chakaoma chiite maruva nemichero muusiku humwe?

NHAU 40

Mosesi Anorova Dombo

Mozisi akawana zvaaida asi akatsamwisawo Jehovha.

NHAU 41

Nyoka Yendarira

Nei Mwari akatuma nyoka dzine uturu kuti dzirume vaIsraeri?

NHAU 42

Mbongoro Inotaura

Dhongi rinoona chimwe chinhu asi Bharami haasi kuchiona.

NHAU 43

Joshua Anova Mutungamiriri

Mozisi haasati anyanya kuchembera, saka nei ari kutsiviwa naJoshua?

NHAU 44

Rakabhi Anovanza Tsori

Rakabhi anobatsira sei varume ava vaviri, uye anovakumbira kuti vazomuitirei?

NHAU 45

Kuyambuka Rwizi rweJoridhani

Vapristi pavanotsika mumvura, panobva paitika chishamiso.

NHAU 46

Masvingo eJeriko

Sei imba yaiva netambo tsvuku isina kuwondomoka?

NHAU 47

Mbavha Muna Israeri

Munhu mumwe chete akaipa angaita kuti zvinhu zviipire rudzi rwese here?

NHAU 48

VaGibheoni Vakachenjera

Vanonyengedza Joshua kuti aite sungano navo, asi vaIsraeri vanochengeta sungano yacho.

NHAU 49

Zuva Rinomira

Jehovha anoitira Joshua chimwe chinhu chaanga asati amboita uye chaasati ambodzokorora kubvira ipapo.

NHAU 50

Vakadzi Vairi Vakashinga

Bheraki ndiye anotungamirira vaIsraeri kuti muhondo yacho, saka nei kukudzwa kuri kuenda kuna Jaeri?

NHAU 51

Rute naNaome

Rute anosiya musha wake kuti anogara naNaomi achishumira Jehovha.

NHAU 52

Gidheoni Navarume Vake 300

Mwari akasarudza vanhu vashoma vaizorwa muhondo iyi achishandisa manwiro aizoita vanhu mvura.

NHAU 53

Chipikirwa chaJefta

Mhiko yaakaita kuna Jehovha yaizofanira kuzadziswa nemwanasikana wake.

NHAU 54

Murume Ane Simba Gurusa

Dherira akazoziva sei kwaibva simba raSamsoni?

NHAU 55

Kakomana Kanobatira Mwari

Mwari anoshandisa Samueri kuudza Mupristi Mukuru Eri mashoko anorwadza.