Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 47

Mbavha Muna Israeri

Mbavha Muna Israeri

Tarira zviri kuvigwa nomurume uyu mutendi rake! Nguo yakaisvonaka, negodo rendarama nezvimwe zvimedu zvesirivha. Azvitora muguta reJeriko. Asika chii chaifanira kudai chakaitwa nezvinhu zviri muJeriko? Unoyeuka here?

Zvaifanira kudai zvakaparadzwa, uye ndarama nesirivha zvaifanira kudai zvakaiswa mupfuma yetabernakeri raJehovha. Saka vanhu ava havana kuterera Mwari. Vaba zviri zvaMwari. Zita romurume ndiAkani, uye ava vanaye mitezo yemhuri yake. Ngationei chinoitika.

Akani aba zvinhu izvi, Joshua anotuma vamwe varume kundorwisana neguta reAi. Asi vanokurirwa muhondo. Vamwe vanourawa, uye vamwe vanotiza. Joshua anosuruvara kwazvo. Anovata nedumbu chiso chake chakatarisa pasi achinyengetera kuna Jehovha: ‘Maregerereiko izvi zvichiitika kwatiri?’

Jehovha anopindura: ‘Simuka! Israeri atadza. Vatora zvimwe zvezvinhu zvaifanira kuparadzwa kana kuti kupiwa kutabernakeri yaJehovha. Vaba nguo yakaisvonaka ndokuivanza. Handizokukomborerii kusvikira maiparadza, uye uyo akatora zvinhu izvi.’ Jehovha anoti acharatidza Joshua ari munhu akaipa.

Zvino Joshua anounganidza vanhu vose pamwe chete, Jehovha anoratidza munhu akaipa Akani. Akani anoti: ‘Ndakatadza. Ndakaona nguo yakaisvonaka, negodo rendarama nezvimedu zvesirivha. Ndakazvida zvikuru zvokuti ndakazvitora. Muchazviwana zvakavigwa mutendi rangu.’

Panowanwa zvinhu izvi ndokuunzwa kuna Joshua, anoti kuna Akani: ‘Wakatiunzirireiko dambudziko? Zvino Jehovha uchakuunzira dambudziko!’ Ipapo vanhu vose vakataka namabwe Akani nemhuri yake vakafa. Hakuzati here kuchiratidzira kuti hatitongofaniri kutora zvinhu zvisiri zvedu?

Pashure pakwo Israeri anondorwisanazve neAi. Nguva ino Jehovha anobetsera vanhu vake, uye vanokunda hondo.