Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 45

Kuyambuka Rwizi rweJoridhani

Kuyambuka Rwizi rweJoridhani

TARIRA! VaIsraeri vari kuyambuka Rwizi rweJoridhani! Asi mvura iri kupi? Nokuti mvura zhinji inonaya panguva iyeyo yegore, rwizi rwanga rwuzere maminiti mashoma apfuura. Asika zvino mvura yose yapwa! Uye vaIsraeri vari kuyambuka napanyika yakaoma sezvavakaita paGungwa Dzvuku! Mvura yose yaendepi? Ngationei.

Pakasvika nguva yokuti vaIsraeri vayambuke Rwizi rweJoridhani, Jehovha akaita kuti Joshua audze vanhu izvi: ‘Vaprista vanofanira kutora areka yesungano ndokufanoenda mberi kwedu. Pavanoisa tsoka dzavo mumvura dzoRwizi rweJoridhani, ipapo mvura dzichamira kuyerera.’

Nokudaro vaprista vanosimudza areka yesungano, ndokuitakura pamberi pavanhu. Pavanosvika paJoridhani, vaprista vanotsika mumvura chaimo. Iri kuyerera nesimba uye yakadzama. Asi nokukurumidza apo tsoka dzavo dzinotsika mvura, mvura inomira kuyerera! Inenji! Jehovha aita dziva kumusoro kworwizi. Nokudaro, nokukurumidza murwizi hamuchinazve mvura!

Vaprista vakatakura areka yesungano vanopinda pakati chaipo porwizi rwapwa. Ungavaona here mumufananidzo? Zvavamire apo, vaIsraeri vose vanoyambuka Rwizi rweJoridhani panyika yakaoma!

Vose vayambuka, Jehovha akaita kuti Joshua audze varume vakasimba 12 kuti: ‘Pindai murwizi pamire vaprista vane areka yesungano. Nhongai mabwe 12, ndokuaunganidza pamunondovata mose usiku. Zvino, munguva yemberi, apo vana venyu vanobvunza chinoreva mabwe aya, munofanira kuvaudza kuti mvura dzakamira kuyerera apo areka yaJehovha yesungano yakayambuka Joridhani. Mabwe achakuyeuchidzai nezveiri nenji!’ Joshua anomisawo mabwe 12 pave pamire vaprista mumuronga.

Pakupedzisira Joshua anoudza vaprista vakatakura areka yesungano kuti: ‘Budai muJoridhani.’ Uye nokukurumidza pavanobuda, rwizi rwunovamba kuyererazve.