Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 36

Mhuru Yendarama

Mhuru Yendarama

MAIWE-E! Vanhu vari kuiteiko zvino? Vari kupa minyengetero kumhuru! Vari kuitireiko ikoku?

Apo Mosesi anogara mugomo kwenguva refu vanhu vanoti: ‘Hatizivi chakaitika kuna Mosesi. Saka ngatiitei mwari wokutibudisa munyika ino.’

‘Zvakanaka,’ Aroni mukoma waMosesi anodaro. ‘Bvisai zvindori zvendarama zvenyu, zviunzei kwandiri.’ Vanhu pavanoita kudaro, Aroni anozvinyungudusa ndokuita mhuru yendarama. Vanhu vanoti: ‘Uyu ndiye Mwari wedu, akatibudisa muEgipita!’ Ipapo vaIsraeri vanova nomutambo mukuru, uye vanonamata mhuru yendarama.

Jehovha anotsamwa zvikuru paanoona izvi. Nokudaro anoti kuna Mosesi: ‘Chimbidza kuburuka. Vanhu vari kuita zvakashata zvikuru. Vakanganwa mitemo yangu uye vari kukotamira mhuru yendarama.’

Mosesi anoburuka mugomo nokuchimbidza. Paanoswedera pedyo, anoona izvi. Vanhu vari kuimba nokudzana vachipoterera mhuru yendarama! Mosesi anoshatirwa zvokuti anoputsanya mahwendefa maviri akaserera ane mitemo paari. Ipapo anotora mhuru yendarama ndokuinyungudusa. Ibvei oikuya-kuya kuva upfu.

Vanhu vakaita chinhu chakashata kwazvo. Nokudaro Mosesi anoudza vamwe vavarume kutora minondo yavo. Mosesi anoti: ‘Vanhu vakaipa vakanamata mhuru yendarama vanofanira kufa.’ Nokudaro vanhu vakauraya vanhu 3 000! Ikoku hakuratidziri here kuti tinodikanirwa kungwarira kunamata Jehovha bedzi, kwete vamwari vapi navapi venhema?