Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 53

Chipikirwa chaJefta

Chipikirwa chaJefta

WAKAMBOITA chipikirwa here uye pashure ndokuwana kuti chakaoma kuchengeta? Murume ari mumufananidzo uyu akaita, uye ndokusaka akasuruvara kwazvo. Murumeyu mutongi akashinga anonzi Jefta.

Jefta anorarama apo vaIsraeri vasichirizve kunamata Jehovha. Vava kuitazve zviri zvakaipa. Nokudaro Jehovha anorega vaAmoni vachivakuvadza. Kunoita kuti vaIsraeri vadanidzire kuna Jehovha kuti: ʼTakakutadzirai. Tapota, tiponesei!ʼ

Vanhu vanozvidemba nokuda kwezvinhu zvakashata zvavakaita. Vanoratidzira kuti vanozvidemba nokunamatazve Jehovha. Nokudaro Jehovha anovabetserazve.

Jefta anosarudzwa navanhu kurwisana navaAmoni vakaipa. Jefta anoda zvikuru kuti Jehovha amubetsere muhondo. Nokudaro anopikira Jehovha kuti: ʼKana mukandipa rukundo pavaAmoni, munhu anotanga kubuda mumba yangu kuzosangana neni pandinodzoka kurukundo ndichakupai!ʼ

Jehovha anoterera chipikirwa chaJefta, saka anomubetsera kuwana rukundo. Pakadzoka Jefta kumusha, unoziva here ari uyo anotanga kubuda kuzosangana naye? Mwanasikana wake, ari mwana wake mumwe bedzi. ʼ0, mwanasikana wangu!ʼ Jefta anochema. ʼRusuruvaro rwakadini rwaunondiunzira. Asi ndakapikira Jehovha, uye handingakudzori.ʼ

Panonzwa mwanasikana waJefta nezvechipikirwa chake, pakutanga anosuruvarawo. Nokuti chinoreva kuti achatofanira kusiya baba vake neshamwari. Asi achapedzera humwe upenyu hwake mukubatira Jehovha patabernakeri yake muShiro. Nokudaro anoudza baba vake kuti: ʼKana makaita chipikirwa kuna Jehovha, munofanira kuchichengeta.ʼ

Zvino mwanasikana waJefta anoenda Shiro, uye anopedzera humwe hwoupenyu hwake mukubatira Jehovha patabernakeri yake. Mazuva mana mugore riri rose vakadzi vokwaIsraeri vanondomushanyira ikoko, uye vanova nenguva inofadza pamwe chete. Vanhu vanoda mwanasikana waJefta nokuti mubatiri akanaka kwazvo waJehovha.