Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 37

Tendi Rokunamatira

Tendi Rokunamatira

UNOZIVA here chiri chivako ichi? Itendi chairo rokunamatira Jehovha. Rinonziwo tabernakeri. Vanhu vakapedza kurivaka gore rimwe vabva Egipita. Unoziva here kuti yaiva pfungwa yaani yokurivaka?

Yaiva pfungwa yaJehovha. Mosesi ari muGomo reSinai, Jehovha akamuudza mavakirwe aro. Akataura kuti rivakwe nomutoo wokuti rigoparadzaniswa nyore nyore. Neiyi nzira mativi aigona kutakurirwa kuimwe nzvimbo, uye ikoko ndokubatanidzwazve pamwe chete. Nokudaro paitama vaIsraeri panzvimbo nenzvimbo murenje vaienda netendi.

Kana ukatarira mukati mekakamuri kari kumugumo kwetendi, ungaona bhokisi, kana chikwembe. Iri rinonzi areka yesungano. Yakanga ine ngirozi mbiri kana makerubhi endarama, imwe kumugumo mumwe nomumwe. Mwari akanyorazve Mirairo Gumi pamabwe maviri akaserera, nokuti Mosesi akanga aputsanya okutanga. Mabwe aya aichengetwa muareka yesungano. Chirongo chemana chaichengetwawo mairi. Unoyeuka here chiri mana?

Aroni mukoma waMosesi ndiye anosarudzwa naJehovha kuva muprista mukuru. Anotungamirira vanhu mukunamata Jehovha. Navana vake vapristawo.

Zvino tarira muzikamuri retendi. Ziguru nekairi kupinda kakamuri. Unoona bhokisi here kana kachikwembe, noutsi hunopfungaira pakari? Iyi iartari panopisirwa zvinopfungaira utsi zvinonuhwira zvakanaka navaprista. Uye pane chigadziko chomwenje chine mwenje minomwe. Uye chinhu chetatu chiri mukamuriro itafura. Pairi panochengetwa zvingwa 12.

Muruvazhe rwetabernakeri mune shambiro, izere nemvura. Vaprista vanoshambiramo. Uyewo mune artari huru. Mhuka dzakafa dzinopisirwa pano sechipiriso kuna Jehovha. Tendi riri pakati chaipo pemisasa, uye vaIsraeri vanogara mumatendi avo akaipoterera.