Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 48

VaGibheoni Vakachenjera

VaGibheoni Vakachenjera

MAZHINJI amaguta muKanani zvino anogadzirira kurwisana naIsraeri. Anofunga kuti angakunda. Asi vanhu vomuguta riri pedyopo reGibheoni havafungi kudaro. Vanodavira kuti Mwari ari kubetsera vaIsraeri, uye havadi kurwisana naMwari. Zvino unoziva here chinoita vaGibheoni?

Vanosarudza kuita kuti kuoneke sokunge kuti ivo vanogara kumwe kure kure. Zvino vamwe vavarume vanopfeka mamvemve neshangu dzakabvaruka. Vanokwidza masaka akabvaruka pambongoro dzavo, uye vanotora chingwa chekare chakaoma. Ipapo vanoenda kuna Joshua ndokuti: ‘Tabva kunyika iri kure kwazvo, nokuti takanzwa nezvaMwari wenyu mukuru, Jehovha. Takanzwa zvinhu zvose zvaakakuitirai muEgipita. Saka vatungamiriri vedu vakatiudza kugadzirira mbuva ndokuenda kundoti kwamuri: “Tiri vabatiri venyu. Pikirai kuti hamuzorwisani nesu.” Mungaona kuti zvipfeko zvedu zvabvaruka norwendo rurefu uye kuti chingwa chedu chava chekare uye chaoma.’

Joshua navamwe vatungamiriri vanodavira vaGibheoni. Vanopikira kusarwisana navo. Asi mazuva matatu pashure vanonzwa kuti vaGibheoni vanogara pedyopo zvomenemene.

‘Makatizivisireiko kuti makabva kunyika iri kure?’ Joshua anovabvunza.

VaGibheoni vanoti: ‘Takadaro nokuti takaudzwa kuti Mwari wenyu Jehovha akanga apikira kukupai nyika ino yose yeKanani. Saka taitya kuti mungatiuraya.’ Asi vaIsraeri vakachengeta chipikirwa chavo, havana kuuraya vaGibheoni. Asi vakavaita vabatiri vavo.

Mambo weJerusarema anotsamwa nokuti vaGibheoni vaita rugare naIsraeri. Saka kunamamwe madzimambo mana anoti: ‘Uyai mundibetsere kurwisa Gibheoni.’ Madzimambo mashanu aya anoita kudaro. VaGibheoni vakachenjera here kuita rugare naIsraeri, uko zvino kunosakisa madzimambo aya kuuya kuzorwisana navo. Tichaona.