CHIKAMU 4
Mambo Wokutanga waIsraeri Kusvika Nguva Inoenda vaIsaeri Kuutapwa muBhabhironi
Sauro akava mambo wokutanga waIsraeri. Asi Jehovha akamuramba, nokudaro Dhavhidhi akasarudzwa kuva mambo munzvimbo make. Tinowana zvinhu zvizhinji pamsoro paDhavhidhi. Sepwere, akarwisa Goriati hofori. Pashure akatiza Sauro Mambo ane shanje. Abhigairi akaisvonaka akamudzivisa kuita chinhu choupenzi.
Tevere, tinodzidza zvinhu zvizhinji pamsoro pomwanakomana waDhavhidhi Soromoni, akatora nzvimbo yaDhavhidhi samambo waIsraeri. Madzimambo matatu okutanga alsraeri akabata ushe kwamakore 40 mumwe nomumwe. Pashure porufu rwaSoromoni, Israeri akakamuraniswa kuva maumambo mairi, umambo hwokumusoro nohwezasi.
Umambo hwendudzi 10 hwokumusoro hwakagara makore 257 husati hwaparadzwa navaAsiria. Tevere makore 133 apashure, umambo hwendudzi mbiri hwezasi hwakaparadzwawo. Panguva ino vaIsraeri vakaendeswa Bhabhironi senhapwa. N0kudaro Chikamu CHECHINA chinofukidza makore 510 enhau, munguva umo tinoona zvinoitika zvizhinji zvinofadza zvichipfuura.
ZVIRI MUCHIKAMU CHINO
NHAU 56
Sauro—Mambo Wokutanga waIsraeri
Pakutanga akasarudzwa naMwari asi akazorambwa. Zvakaitika kuna Sauro zvinotidzidzisa chimwe chinhu.
NHAU 57
Mwari Anosarudza Dhavhidhi
Chii chakaonekwa naMwari pana Dhavhidhi chisina kuonekwa nemuprofita Samueri?
NHAU 58
Dhavhidhi naGoriati
Dhavhidhi akarwisa Goriyati nechipfuramambwe uyewo nechimwe chombo chine simba zvikuru.
NHAU 59
Nei Dhavhidhi Achitiza
Sauro akambotanga achifarira Dhavhidhi asi akazosvika pakumuvenga zvekuda kumuuraya. Chii chakaita kuti adaro?
NHAU 60
Abhigairi naDhavhidhi
Abhigairi anotaura kuti murume wake ibenzi, asi izvi zvinobatsira kuti amborega kuurayiwa.
NHAU 61
Dhavhidhi Anoitwa Mambo
Dhavhidhi anonyatsoratidza kuti akakodzera kuva mambo nezvaanoita uye zvaanoramba kuita.
NHAU 62
Chinetso Mumba yaDhavhidhi
Kukanganisa kwakaita Dhavhidhi kwakaunza matambudziko kwaari nekumhuri yake.
NHAU 63
Soromoni Mambo Akachenjera
Ichokwadi here kuti Soromoni akanga achitoda kucheka mwana nepakati?
NHAU 64
Soromoni Anovaka Tembere
Pasinei nekuti Soromoni ainge akachenjera, akanyengedzea kuita zvinhu zvakaipa uye zveupenzi.
NHAU 65
Umambo Hunokamukana
Paakangotanga kutonga, Jerobhoamu akaita kuti vanhu vatyore mutemo waMwari.
NHAU 67
Jehoshafati Anovimba naJehovha
Nei uto rakaenda kuhondo richitungamirirwa nevaimbi vasina zvombo?
NHAU 68
Vakomana Vairi Vanoraramazve
Munhu afa anogona kumutswa kuti araramezve here? Hongu, zvakamboitika!
NHAU 69
Musikana Anobetsera Gamba
Akaita ushingi hwekutaura, uye izvozvo zvakaita kuti paitike chishamiso.
NHAU 70
Jona Nehove Huru
Jona akadzidza chidzidzo chinokosha panyaya yekuita zvinenge zvataurwa naJehovha.
NHAU 72
Mwari Anoyamura Mambo Hezekia
Ngirozi inouraya masoja evaAsiriya 185 000 muusiku humwe chete.
NHAU 74
Murume Asingatyi
Jeremiya aifunga kuti akanga achiri mudiki zvekukwanisa kuva muprofita, asi Mwari aiziva kuti aizvikwanisa.
NHAU 76
Jerusarema Rinoparadzwa
Nei Jehovha achisiya vavengi vevaIsraeri, vaBhabhironi vachiparadza Jerusarema?