Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 76

Jerusarema Rinoparadzwa

Jerusarema Rinoparadzwa

AVA anopfuura makore 10 chifo chapakaendesa Nebhukadnezari kuBhabhironi valsraeri vose vakadzidza zvikuru. Uye zvino tarira chiri kuitika! Jerusarema riri kuroromeswa. Uye valsraeri vasina kuurawa vari kutorwa savasungwa kuenda Bhabhironi.

Yeuka, ndozvakanyevera vaprofita vaJehovha kuti zvaizoitika kana vanhu vasina kuchinja nzira dzavo dzakashata. Asi valsraeri havana kuterera vaprofita. Vakapfuurira chaizvo kunamata vamwari venhema panzvimbo paJehovha. Saka vanhu vanodikanirwa kurangwa. Tinoziva izvi nokuti muprofita waMwari Ezekieri anotiudza zvinhu zvakashata zvaiitwa navalsraeri.

Unoziva here kuti Ezekieri ndiani? Ndimumwe wamajaya akaendeswa Bhabhironi naMambo Nebhukadnezari makore anopfuura 10 ruparadziko rukuru rweJerusarema rusati rwaitika. Dhanieri neshamwari dzake nhatu, Shadraki, Meshaki naAbhedhinego, vakaendeswawo panguva imwe cheteyo kuBhabhironi.

Ezekieri achingunoveri muBhabhironi, Jehovha anomuratidzira zvinhu zvakashata zvinoitika muJerusarema patembere. Jehovha anoita izvi nenenji. Ezekieri achingunoveri muBhabhironi zvomenemene, asi Jehovha anomuonesa chinhu chose chiri kuitika patembere. Uye chinoonwa naEzekieri chinovhundutsa!

‘Tarira zvinhu zvinosembura zviri kuita vanhu patembere,’ Jehovha anoudza Ezekieri. ‘Tarira madziro akafukidzwa nemifananidzo yenyoka nedzimwe mhuka. Uye tarira valsraeri vanozvinamata!’ Ezekieri anoona zvinhu izvi, ndokunyora chiri kuitika.

‘Uri kuona zviri kuitwa navatungamiriri valsraeri muchivande here?’ Jehovha anobvunza Ezekieri. Hungu, anozvionawo. Pana varume 70, uye vose vari kunamata vamwari venhema. Vari kuti: ‘Jehovha haaziri kutiona. Akasia nyika.’

Zvino Jehovha anoratidza Ezekieri vamwe vakadzi kumusoro kwesuo retembere. Vagerepo vachinamata mwari wenhema Tamuzi. Uye tarira varume vari apo pamukova wetembere yaJehovha! Pana vanenge 25 vavo. Ezekieri anovaona. Vari kukotamira mabvazuva vachinamata zuva!

‘Ava vanhu havandiremekedzi,’ Jehovha anodaro. ‘Havaiti zvinhu zvakashata bedzi asi vanouya kutembere yangu chaiko ndokuzviita!’ Saka Jehovha anopikira kuti: ‘Vachanzwa simba rehasha dzangu. Handizovanzwiri tsitsi pavanoparadzwa.’

Angova makore matatu bedzi Jehovha aratidza Ezekieri izvi zvinhu panopandukira valsraeri Mambo Nebhukadnezari. Saka anondorwisana navo. Pashure pegore nehafu vaBhabhironi vanopwanya masvingo eJerusarema ndokuroromesa gutaro. Uzhinji hwavanhu hunourawa kana kuti hunoendeswa senhapwa Bhabhironi.

Neiko Jehovha akarega uru ruparadziko runotyisa rwuchiitika kuvalsraeri? Nokuti havana kuterera Jehovha uye havana kuterera mitemo yake. Kunoratidzira kuti kunokosha sei kuti tigaroite zvinotaurwa naMwari.

Pakutanga vanhu vashomanene vanobvumirwa kugara munyika yalsraeri. Mambo Nebhukadnezari anoisa muJudha anonzi Gedharia mukutarisira ava vanhu. Asi ipapo vamwe valsraeri vanoponda Gedharia. Zvino vanhu vanotya kuti vaBhabhironi vachauya ndokuvaparadza vose nokuti chinhu ichi chakashata chakaitika. Saka vanomanikidzira Jeremia kuenda navo, uye vanotizira Egipita.

Ikoku kunosia nyika yelsraeri rava dongo. Hakuna anogara munyikamo kwamakore 70. ldongo. Asi Jehovha anopikira kuti achadzosera vanhu vake munyikayo pashure pamakore 70. Parizvino, chii chiri kuitika kuvanhu vaMwari munyika yeBhabhironi kwavakaendeswa? Ngationei.