Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 72

Mwari Anoyamura Mambo Hezekia

Mwari Anoyamura Mambo Hezekia

UNOZIVA here kuti nei uyu murume achinyengetera kuna Jehovha? Nei awadza tsamba idzi pamberi peartari yaJehovha? Murumeyu ndiHezekia. Ndimambo wendudzi mbiri dzokuzasi dzaIsraeri. Uye ari muchinetso chikuru. Neiko?

Nokuti mauto eAsiria atoparadza ndudzi 10 dzokumusoro. Jehovha akakurega kuchiitika nokuti vanhuvo vakanga vakaipa kwazvo. Uye zvino mauto eAsiria asvika kuzorwisana noumambo hwendudzi 2.

Mambo weAsiria achangobva kutumira tsamba kuna Mambo Hezekia. Aya ndiwo matsamba aiswa naHezekia pano pamberi paMwari. Matsamba anomhura Jehovha, achiudza Hezekia kutera. Ndokusaka Hezekia achinyengetera: ʼO Jehovha, tiponesei pana mambo weAsiria. Ipapo marudzi ose achaziva kuti ndimi Mwari bedzi.ʼ Ko Jehovha achaterera Hezekia here?

Hezekia ndimambo akanaka. Haana kufanana namadzimambo akaipa oumambo hwendudzi 10 dzaIsraeri, kana kuti sababa vake vakaipa Mambo Ahazi. Hezekia ave achingwarira kuterera mitemo yose yaJehovha. Zvino, Hezekia apedza kunyengetera, muprofita Isaya anomutumira shoko iri rinobva kuna Jehovha: ʼMambo weAsiria haazopindi muJerusarema. Hakuna nomumwe wamasoja ake achasvika kunyange pedyo naro. Havangaposheri museve mumwe kuguta.ʼ

Tarira mufananidzo uri papeji ino. Unoziva here kuti masoja aya ose afa ndivanaani? VaAsiria. Jehovha akatuma ngirozi yake, uye muusiku humwe ngirozi yakauraya masoja eAsiria 185 000. Saka mambo weAsiria anotera ndokudzoka kumusha.

Umambo hwendudzi 2 hunoponeswa, vanhu vanova norugare kwechinguvana. Asi pashure pokufa kwaHezekia mwana wake Manase anova mambo. Manase nomwana wake Amoni akamutsiva madzimambo akaipa zvikuru ose. Nyika inozadzwazve noutsinye nemasimba masimba. Panopondwa Mambo Amoni navabatiri vake amene, mwana wake Josia anoitwa mambo woumambo hwendudzi mbiri.