Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 63

Soromoni Mambo Akachenjera

Soromoni Mambo Akachenjera

SOROMONI ipwere paanova mambo. Anoda Jehovha, uye anotevera pangiro yakanaka yaakapiwa nababa vake Dhavhidhi. Jehovha anofadzwa naSoromoni, zvino humwe usiku anoti kwaari muroto: ʼSoromoni, ungada kuti ndikupei?ʼ

Pana ikoku Soromoni anoti: ʼJehovha Mwari wangu, ndiri pwere uye handizivi mabatirwe oushe. Saka ndipei uchenjeri hwokubata ushe vanhu venyu zvakarurama.ʼ

Jehovha anofadzwa nechinokumbira Soromoni. Saka Anoti: ʼNokuti wakumbira uchenjeri uye kwete upenyu hurefu kana pfuma, ndichakupa uchenjeri huzhinji kupinda aninani akamborarama. Asi ndichakupawo chausina kukumbira, zvose zviviri pfuma nembiri.ʼ

Chinguvana pashure vakadzi vairi vanosvika Soromoni nechinetso chikuru. ʼMudzimai uyu neni tinogara muimba imweyo,ʼ mumwe wavo anotsanangura kudaro. ʼNdakabereka mukomana, uye mazuva mairi pashure akaberekawo mukomana. Zvino humwe usiku mwana wake akafa. Asi ndivete hangu, akaisa mwana wafa pedyo neni ndokutora mwana wangu. Pandakamuka ndokutarira mwana afa, ndakaona kuti handi wangu.ʼ

Ipapo mumwe mukadzi anoti: ʼAiwa! Mwana mupenyu ndowangu, uye wafa ndowake!ʼ Mukadzi wokutanga anoti: ʼAiwa! Mwana afa ndowako, uye mupenyu ndowangu!ʼ Ndiwo mapokanidzirane anoita vakadzi. Soromoni achaiteiko?

Anotuma munhu kundotora munondo, uye, paunounzwa, anoti: ʼCheka mwana mupenyu ave mativi maviri, ugopa mukadzi mumwe nomumwe hafu yake.ʼ

ʼAiwa!ʼ mai chaivo vanochema. ʼNdapota musauraya mwana. Mupei!ʼ Asi mumwe mukadzi anoti: ʼMusamupe kunoupi noupi wedu; endai mundomucheka ave mativi mairi.ʼ

Pakupedzisira Soromoni anotaura: ʼUsauraya mwana! Mupe mukadzi wokutanga. Ndivo mai chaivo.ʼ Soromoni anoziva izvi nokuti mai chaivo vanoda mwana zvikuru zvokuti vanoda kumupa mumwe mukadzi kuti agorega kuurawa. Vanhu pavanonzwa mapedzere akaita Soromoni chinetso, vanofara kuva namambo akachenjera kudaro.

Mukubata ushe kwaSoromoni, Mwari anokomborera vanhu nokuita kuti ivhu rimere koroni zhinji nebhari, mazambiringa namaonde nezvimwe zvokudya. Vanhu vanopfeka zvipfeko zvakaisvonaka uye vachigara mudzimba dzakanaka. Kune zvinopfuura zvakaringana zvechinhu chiri chose chakanaka chomunhu ari wose.