Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nhau 64

Soromoni Anovaka Tembere

Soromoni Anovaka Tembere

DHAVHIDHI asati afa, akapa Soromoni rongedzero dzakabva kuna Mwari dzokuvaka tembere yaJehovha. Mugore rechina roubati ushe hwake, Soromoni anovamba kuvaka tembere, uye kunotora makore manomwe nehafu kuipedza. Makumi ezvuuru avarume anoshanda patembere, uye kuvaka kunodya mari zhinji zhinji. Imhaka yokuti ndarama zhinji kwazvo nesirivha zvinoshandiswa mairi.

Tembere ina makamuri makuru mairi, saakanga ane tabernakeri. Asi makamuri aya anoukuru hwakapetwa ruviri panohwohwo hwaari mutabernakeri. Soromoni anoita kuti areka yesungano ipinzwe mukati mekamuri retembere, nezvimwe zvinhu zvaichengetwa mutabernakeri zvinopinzwa mune rimwe kamuri.

Panopera tembere, panova nechengetwo huru. Soromoni anogwadama pamberi petembere ndokunyengetera, sezvaungaona mumufananidzo. ʼKunyange denga rose harina kukura zvikuru zvokuti ringakuringanai,ʼ Soromoni anodaro kuna Jehovha, ʼndoda, zvino, tembere iyi.ʼ Asi, O Mwari wangu, ndapota tererai vanhu venyu pavanonyengeterera kunzvimbo ino.ʼ

Panopedza Soromoni munyengetero wake, mwoto unoburuka kudenga. Unonyungudisa zvibairo zvemhuka zvaitwa. Uye chiedza chinoteya meso chinobva kuna Jehovha chinozadza tembere. Uku kunoratidza kuti Jehovha ari kuterera, uye kuti anofadzwa netembere nomunyengetero waSoromoni. Tembere, pane tabernakeri, zvino inova nzvimbo inouya vanhu kuzonamata.

Soromoni anobata ushe nouchenjeri kwenguva refu, uye vanhu vanofara. Asi Soromoni anoroora vakadzi vazhinji vokudzimwe nyika vasinganamati Jehovha. Ungaona here mumwe wavo achinamata pamberi pechidhori? Pakupedzisira vadzimai vake vakaita kuti Soromoni anamatewo vamwe vamwari. Unoziva here chinoitika apo Soromoni anoita ikoku? Haachisirizve kubata vanhu nomutsa. Anova noutsinye, vanhu havachisirizve kufara.

Ikoku kunoita Jehovha atsamwire Soromoni, uye anomuudza kuti: ʼNdichakutorera umambo ndigohupa kunomumwe munhu. Handizoiti izvi muupenyu hwako, asi mukutonga kwomwanakomana wako. Asi handibvisi vanhu vose voumambo pamwanakomana wako.ʼ Ngationei kuti kunoitika sei.