Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 81

Kuvimba Nebetsero yaMwari

Kuvimba Nebetsero yaMwari

ZVIURU zvakawanda zvevanhu zvinofamba rwendo rwurefu zvichibva Bhabhironi zvichienda Jerusarema. Asi pazvinosvika, Jerusarema rinongova zidongo. Hamuna anogaramo. VaIsraeri vanotofanira kuvakazve chinhu chiri chose pose pose.

Chimwe chezvinhu zvokutanga zvavanovaka iartari. Ndiyo nzvimbo yavangaitira zvipiriso zvemhuka, kana zvipo, kuna Jehovha. Mwedzi mishoma pashure vaIsraeri vanovamba kuvaka tembere. Asi vavengi vagere munyika dziri pedyopo havadi kuti vaIsraeri vaivake. Saka vanoedza kuvatyisidzira kuvaregedzesa. Pakupedzisira, vavengi ava vanoita kuti mambo mutsva wePersia aite mutemo wokumisa basa rokuvaka.

Makore anopfuura. Zvino ava makore 17 chifo chokudzokera kwavaIsraeri kubva Bhabhironi. Jehovha anotuma vaprofita vake Hagai naZekaria kuzoudza vanhu kuvamba kuvakazve. Vanhu vanovimba nebetsero yaMwari, uye vanoterera vaprofita. Vanotanga kuvakazve, kunyange mutemo uchiti havafaniri kukuita.

Zvino mukuru wePersia Tatenai anosvika ndokubvunza vaIsraeri maruramiro avanawo okuvaka tembere. VaIsraeri vanomuudza kuti pavaiveri muBhabhironi, Mambo Koreshi akavaudza kuti: ʼEndai, zvino, kuJerusarema mugovaka tembere yaJehovha, Mwari wenyu.ʼ

Tatenai anotumira tsamba Bhabhironi achibvunza kana Koreshi, uyo zvino afa, akataura izvozvo chaizvoizvo. Nokukurumidza tsamba inobva kuna mambo mutsva wePersia inodzoka. Inozivisa kuti Koreshi akakutaura chaizvoizvo. Nokudaro mambo anonyora kuti: ʼVaIsraeri ngavavake tembere yaMwari wavo. Uye ndinokurairai kuvabetsera.ʼ Muanenge makore mana tembere inopera, uye vaIsraeri vanofarisisa.

Mamwe makore mazhinji anopfuura. Zvino ava anenge makore 48 chifo chapakapera tembere. Vanhu vari muJerusarema varombo, uye guta netembere yaMwari hazviratidziki zvakatsvinda kwazvo. Shure muBhabhironi, Ezra muIsraeri anonzwa nezvedikanwo yokugadziridza tembere yaMwari. Zvino unoziva here chaanoita?

Ezra anondoona Artashasta, mambo wePersia, uye uyu mambo akanaka anopa Ezra zvipo zvizhinji zvokudzoka nazvo Jerusarema. Ezra anokumbira vaIsraeri vari muBhabhironi kumubetsera kuendesa zvipo izvi Jerusarema. Vanhu vanenge 6 000 vanoti vachaenda. Vane sirivha nendarama zhinji nezvinhu zvinokosha zvokuenda nazvo.

Ezra anonetsekana, nokuti munziramo muna vanhu vakaipa. Vanhu ava vangabvuta sirivha yavo nendarama, ndokuvauraya. Saka Ezra anodanira vanhu pamwe chete, sezvaungaona mumufananidzo. Ipapo vanonyengetera kuna Jehovha kuvadzivirira parwendo rwurefu rwavo rwokudzokera Jerusarema.

Jehovha anovadzivirira chaizvo. Pashure pokufamba mwedzi mina, vanosvika vakakotsekana muJerusarema. Ko ikoku hakuratidziri here kuti Jehovha anogona kudzivirira avo vanovimba naye nokuda kwebetsero?

Ezra ganhuro 2 kusvikira ku 8.