Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 83

Masvingo eJerusarema

Masvingo eJerusarema

TARIRA basa rose riri kuitwa pano. VaIsraeri vakabatikana kuvaka masvingo eJerusarema. Apo Nebhukadnezari akaparadza Jerusarema makore 152 kare, akakoromora masvingo ndokupisa masuo eguta. VaIsraeri havana kuvakazve masvingo pavakatanga kusvika kumusha vachibva Bhabhironi.

Unofunga kuti vanhu vakanzwa sei kugara muno makore ose aya vasina masvingo akapoteredza guta ravo? Havana kunzwa vakakotsekana. Vavengi vavo vaigona kupinda nyore nyore ndokuvadenha. Asi zvino uyu murume Nehemia pakupedzisira anobetsera vanhu kuvakazve masvingo. Unoziva here kuti Nehemia ndiani?

Nehemia muIsraeri anobva muguta reShushani, kunogara Mordhekai naEstere. Nehemia aishanda mumba youmambo yamambo, saka angave ave ari shamwari yakanaka yaMordhekai namambokadzi Estere. Asi Bhaibheri harirevi kuti Nehemia aishandira murume waEstere, Mambo Ahashvheroshi. Aishandira mambo anotevedzera, Mambo Artashasta.

Yeuka, Artashasta ndiMambo akanaka akapa Ezra mari yose yokudzoka nayo Jerusarema kundogadziridza tembere yaJehovha. Asi Ezra haana kuvaka masvingo akapwanywa egutaro. Ngationei kuti kwakaitika sei kuti Nehemia akaita iri basa.

Ave makore 13 chifo chapakapiwa Ezra naArtashasta mari yokugadziridza tembere. Nehemia zvino ndiye mupereki mukuru waMambo Artashasta. Ikoku kunoreva kuti anodirira mambo waini yake, anosimbisira kuti hapana anoedza kuchetura mambo. Ibasa rinokosha kwazvo.

Eya, rimwe zuva Hanani hama yaNehemia navamwe varume vanobva kunyika yaIsraeri vanosvika kuzoshanyira Nehemia. Vanomuudza chinetso chiri kuva navaIsraeri, uye kuti masvingo eJerusarema achakapwanyika zvakadini. Ikoku kunosuruvarisa Nehemia, anonyengetera kuna Jehovha pamsoro pakwo.

Rimwe zuva mambo anocherekedza kuti Nehemia akasuruvara kwazvo, ndokuti: ʼNeiko uchinge wakasuruvara zvikuru?ʼ Nehemia anomuudza kuti imhaka yokuti Jerusarema riri mumugariro wakaipa zvikuru uye masvingo akapwanyika. ʼChii chaunoda?ʼ mambo anobvunza.

Nehemia anoti: ʼNditenderei ndiende Jerusarema kuti ndigovakazve masvingo.ʼ Mambo Artashasta anomutsa zvikuru. Anoti Nehemia angaenda, uye anomubetsera kuwana mapango okuvakisa nawo. Nokukurumidza Nehemia asvika Jerusarema, anoudza vanhu nezverongedzero dzake. Vanoda pfungwayo, ndokuti: ʼNgatitangei kuvaka.ʼ

Apo vavengi vavaIsraeri vanoona masvingo achikwira, vanoti: ʼTichaenda ndokuvauraya, ndokumisa basa rokuvaka.ʼ Asi Nehemia anonzwa izvi, saka anopa vashandi minondo namapfumo. Anoti: ʼRegai kutya vavengi vedu. Rwirai hama dzenyu, vana venyu, madzimai enyu, nemisha yenyu.ʼ

Vanhu vanoshinga zvikuru. Vanoita kuti mapfumo avo agare akagadzirirwa siku nesikati, uye vanopfuurira kuvaka. Nokudaro mumazuva 52 bedzi masvingo anopera. Zvino vanhu vanganzwa vakakotsekana mukati meguta. Nehemia naEzra vanodzidzisa vanhu mutemo waMwari, uye vanhu vanofara.

Asi zvinhu zvichigere kufanana nezvazvaiveri vaIsraeri vasati vaendeswa senhapwa Bhabhironi. Vanhu vanobatwa ushe namambo wePersia uye vanofanira kumubatira. Asi Jehovha akapikira kuti achatuma mambo mutsva, uye kuti uyu mambo uchaunza rugare kuvanhu. Ndianiko uyu mambo? Achaunza sei rugare kupasi? Anenge makore 450 anopfuura pasina zvimwe zvinonzwiwa pamsoro paikoku. Zvino kunova nokuberekwa kunokosha kworushiye. Asika iyeyo ndiimwe nhau.

Nehemia ganhuro 1 kusvikira ku 6.