Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 78

Runyoro Ruri Pachidziro

Runyoro Ruri Pachidziro

CHII chiri kuitika pano? Vanhu vari kudya mabiko makuru. Mambo weBhabhironi akoka vaenzi vanokosha vane chuuru. Vari kushandisa mikombe yendarama neyesirivha nendiro zvakatorwa mutembere yaJehovha muJerusarema. Asi, kamwe kamwe, zvigunwe zvoruoko rwomunhu zvinooneka mumhepo uye zvinovamba kunyora pachidziro. Ari wose anotyiswa.

Bhershazari, muzukuru waNebhukadnezari, ndiye mambo zvino. Anodanidzira kuti vachenjeri vake vapinzwemo. ʼAninani unogona kurava runyoro urwu ndokundizivisa charwunoreva,ʼ anodaro mambo, ʼachapiwa zvipo zvizhinji ndokuitwa mubati ushe wechitatu anoisvokosha muumambo.ʼ Asi hapana nomumwe wavachenjeri angarava runyoro ruri pachidziro, kana kuti kududzira revo yarwo.

Mai vamambo vanonzwa ruzha ndokupinda mukamuri guru rokudyira. ʼNdapota regai kutyiswa kwazvo,ʼ vanoudza mambo. ʼMuumambo hwenyu munomurume anoziva vamwari vatsvene. Apo sekuru venyu Nebhukadnezari vaiva mambo vakamuita mukuru wavachenjeri vavo vose. Anonzi Dhanieri. Ngaadanwe, uye achakuzivisai chinorehwa nairworwu.ʼ

Nokudaro pakarepo Dhanieri anopinzwamo. Aramba kutora chipo chipi nechipi, Dhanieri anovamba kuzivisa kuti nei Jehovha akambobvisa sekuru vaBhershazari Nebhukadnezari pakuva mambo. ʼAizvikudza zvikuru,ʼ Dhanieri anodaro. ʼUye Jehovha akamuranga.ʼ

ʼAsi imi,ʼ Dhanieri anoudza Bhershazari, ʼmaiziva zvose zvakamuitikira, asi imi muchiri munozvikudza sezvaiita Nebhukadnezari. Mapinza muno mikombe nendiro zvakabva mutembere yaJehovha ndokunwiramo. Marumbidza vamwari vakaitwa namatanda namatombo, uye hamuna kukudza Musiki wedu Mukuru. Ndokusaka Mwari atumira chanza kuzonyora mashoko aya.

ʼIzvi ndizvo zvanyorwa,ʼ Dhanieri anoti: ʼMENE, MENE, TEKERI uye UFARSINI.ʼ

ʼMENE rinoreva kuti Mwari averenga mazuva oumambo hwenyu ndokuhugumisa. TEKERI rinoreva kuti mayerwa pazviyero ndokuwanwa musina kunaka. PARSINI rinoreva kuti umambo hwenyu hunopiwa vaMedhe navaPersia.ʼ

Dhanieri achingunoveri kutaura, vaMedhe navaPersia vatovamba kudenha Bhabhironi. Vanotapa guta ndokuuraya Bhershazari. Runyoro ruri pachidziro runozadzika usikuhwo! Asika chii chichaitika kuna vaIsraeri zvino? Tichakurumidza kuchiwana, asi ngatitangei kuona chinoitika kuna Dhanieri.