Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIKAMU 6

Kuberekwa kwaJesu Kusvikira Kurufu Rwake

Kuberekwa kwaJesu Kusvikira Kurufu Rwake

Ngirozi Gabrieri yakatumwa kumukadzi muduku akaisvonaka anonzi Maria. Yakamuudza kuti aizova nomwana aizobata ushe samambo nokusingaperi. Mwana, Jesu, akaberekerwa muchitevere, maakashanyirwa navafudzi. Gare gare, nyeredzi yakatungamirira varume vanobva Mabvazuva kumwana muduku. Tinonzwa kuti ndiani akavaita kuti vaone nyeredzi iyeyo, uye kuti Jesu akaponeswa sei panhamburiko dzokumuuraya.

Tevere, tinowana Jesu, paanga ava namakore 12 okukura, achitaura navadzidzisi mutembere. Makore gumi namasere apashure Jesu akabhapatidzwa, uye ipapo akavamba basa rokuparidza Umambo nokudzidzisa raakatumwa naMwari kuzoita kupasi. Kumubetsera mubasa iri, Jesu akasarudza varume 12 ndokuvaita vaapostora vake.

Jesu aiitawo manenji. Akadyisa zvuuru zvavanhu hove duku shomanene nezvingwa zvishomanene. Akaporesa varwere uye kunyange kumutsa vakafa. Pakupedzisira, tinonzwa nezvezvinhu zvizhinji zvakaitika kuna Jesu mukati mezuva rokupedzisira roupenyu hwake, uye kuti akaurawa sei. Jesu akaparidza kwaanenge makore matatu nehafu, nokudaro CHIKAMU 6 chinofukidza nhambo yamakore anotipfuurei 34.

 

ZVIRI MUCHIKAMU CHINO

NHAU 84

Ngirozi Inoshanyira Maria

Inounza mashoko anobva kuna Mwari: Mariya achava nemwana achazova mambo nekusingaperi.

NHAU 85

Jesu Anoberekerwa Muchitevere

Nei mwana aizova mambo akaberekerwa munochengeterwa zvipfuwo?

NHAU 86

Vakatungamirirwa Nenyeredzi

Ndiani akatungamirira vazivi venyeredzi kuna Jesu? Mhinduro yacho inogona kukushamisa.

NHAU 87

Jesu Muduku Ari Mutembere

Zvaanoita zvinoshamisa kunyange varume vakuru vanodzidzisa patemberi.

NHAU 88

Johane Anobhabhatidza Jesu

Johani anga achibhabhatidza vatadzi, asi Jesu haana kumbobvira atadza. Nei Johani akamubhabhatidza?

NHAU 89

Jesu Anochenura Tembere

Kuda kunoita Jesu Mwari kunoita kuti agumbuke nezvaanoona.

NHAU 90

Nomukadzi Patsime

Sei zvichinzi mvura iyo Jesu ari kupa mukadzi uyu inoita kuti asafa akanzwa nyota zvekare?

NHAU 91

Jesu Anodzidzisa Pagomo

Inzwa mazano anobatsira akapiwa naJesu paMharidzo yake Yepagomo.

NHAU 92

Jesus Anomutsa Vakafa

Achishandisa simba raMwari Jesu akataura mashoko maviri achibva amutsa mwanasikana waJairosi.

NHAU 93

Jesu Anodyisa Vanhu Vazhinji

Chishamiso chakaitwa naJesu chekupa vanhu vakawanda zvekudya, chairatidzei?

NHAU 94

Anoda Vana Vaduku

Jesu anodzidzisa vaapostora vake kuti vane zvakawanda zvavanogona kudzidza kubva kuvana.

NHAU 95

Madzidzisire Anoita Jesu

Jesu anowanzoshandisa mifananidzo pakudzidzisa kwaanoita. Panguva ino akashandisa wemuSamariya akanaka.

NHAU 96

Jesu Anoporesa Varwere

Zvishamiso zvese zvakaitwa naJesu zvakaratidzei?

NHAU 97

Jesu Anouya saMambo

Vanhu vakawanda vanomugamuchira, asi vamwe havasi kuzvifarira.

NHAU 98

PaGomo reMiorivhi

Jesu akaudza vaapostora vake 4 zvinhu zvatiri kutoona zvichiitika mazuva ano.

NHAU 99

Mukamuri Rapamusoro

Nei Jesu akaudza vadzidzi vake kuti varambe vachiyeuka zuva iri rinokosha gore rimwe nerimwe?

NHAu 100

Jesu Ari Mubindu

Nei Judhadasi akatengesa Jesu nekumutsvoda?

NHAU 101

Jesu Anourawa

Paakanga ava kufa ari padanda, Jesu anovimbisa mumwe munhu nezveparadhiso.