Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 98

PaGomo reMiorivhi

PaGomo reMiorivhi

UYU ndiJesu ari paGomo reMiorivhi. Varume vana vanaye vaapostora vake. Ivo mukoma nomuninʼina Andrea naPetro, uyewo mukoma nomuninʼina Jakobho naJohane. Iyo itembere yaMwari iri muJerusarema yaunogona kuona mhiri uko kure.

Ave mazuva mairi chifo chokupinda kwaJesu muJerusarema akatasva mhuru yembongoro. Chipiri. Muzuvari Jesu afumova patembere. Vaprista vaedza kubata Jesu ipapo kuti vamuuraye. Asi vaitya kukuita nokuti vanhu vanoda Jesu.

Jesu akaidza vatungamiriri vorudzidziso ivavo kuti: ʼImi nyoka navanakomana venyoka!ʼ Ipapo Jesu akati Mwari aizovaranga nokuda kwezvinhu zvose zvakashata zvavakanga vaita. Pashure pakwo Jesu akakwira muGomo reMiorivhi, nokudaro vaapostora ava vana vakatanga kumubvunza mibvunzo. Unoziva here zvavari kubvunza Jesu?

Vaapostora vari kubvunza pamsoro pezvinhu zvomunguva yemberi. Vanoziva kuti Jesu uchagumisa ushati hwose pasi pano. Asi vanoda kuziva kuti ikoku kuchaitika riini. Ko Jesu anouyazve kuzobata ushe saMambo riini?

Jesu anoziva kuti vateveri vake pasi pano havazokwanisi kumuona paanouyazve. Imhaka yokuti achave ari mudenga, uye havazokwanisi kumuona ikoko. Saka Jesu anoudza vaapostora vake zvimwe zvezvinhu zvichave zvichiitika pasi pano apo anobata ushe saMambo mudenga. Ndezvipiko zvimwe zvezvinhu izvi?

Jesu anotaura kuti kuchava nehondo huru, vanhu vazhinji vacharwara uye vacharumwa nenzara, utsotsi huchashata kwazvo, uye kuchava nokudengenyeka kukuru kwapasi. Jesu anotaurawo kuti mashoko akanaka pamsoro poumambo hwaMwari achaparidzirwa mupasi rose rose. Tati taona zvinhu izvi zvichiitika munguva yedu here? Hungu! Nokudaro tingava nechokwadi chokuti Jesu zvino ari kubata ushe mudenga. Nokukurumidza achagumisa ushati hwose pasi pano.