Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 90

Nomukadzi Patsime

Nomukadzi Patsime

JESU azorora pedyo netsime muSamaria. Vadzidzi vake vandotenga zvokudya mutaundi. Jesu ari kutaura kumukadzi auya kuzochera mvura. Anoti kwaari: ʼNdipeiwo mvura yokunwa.ʼ

Ikoku kunoshamisa kwazvo mukadziyo. Unoziva kuti nei here? Nokuti Jesu muJudha, uye iye muSamaria. Uye vaJudha vazhinjisa havadi vaSamaria. Havangatongotauri kwavari! Asi Jesu anoda marudzi ose avanhu. Saka anoti: ʼDai waiziva kuti ndiani aikukumbira mvura yokunwa, waizomukumbira uye iye aizokupa mvura inopa upenyu.ʼ

ʼIshe,ʼ mudzimai anodaro, ʼtsime rakadzama, uye hamuna kunyange bhakidhi. Mungawanepiko mvura iyi inopa upenyu?ʼ

Jesu anoti: ʼKana ukanwa mvura inobva mutsime iri uchanzwazve nyota.ʼ ʼAsi mvura yandichapa inogona kuita kuti munhu ararame nokusingaperi.ʼ

Mukadzi anoti: ʼIshe, ndipei mvura iyi! Ipapo handichazotongonzwizve nyota. Uye handizofaniri kuuya pano kuzocherazve mvura.ʼ

Mukadzi anofunga kuti Jesu ari kutaura nezvemvura chaiyoiyo. Asi ari kutaura nezvezvokwadi inoreva nezvaMwari noumambo hwake. Zvokwadi iyi yakaita semvura inopa upenyu. Inogona kupa munhu upenyu husingaperi.

Zvino Jesu anoudza mukadzi kuti: ʼIndodana murume wako ugodzoka.ʼ

ʼHandina murume,ʼ anopindura kudaro. ʼWapindura zvakarurama,ʼ Jesu anodaro. ʼAsi wakava navarume vashanu, uye murume waunogara naye zvino haaziri murume wako.ʼ

Mukadziyo anoshamiswa, nokuti ikoku kose ichokwadi. Jesu akaziva sei zvinhu izvi? Hungu, nokuti Jesu ndiye Akapikirwa akatumwa naMwari, saka Mwari anomupa mashoko aya.

Panguvana ino vadzidzi vaJesu vanodzoka, uye vanoshamiswa kuti Jesu ari kutaura kumukadzi weSamaria.

Tinodzidzeiko muna ikoku kose? Kunoratidza kuti Jesu anomutsa kuvanhu vamarudzi ose. Saka tinofanirawo kudaro. Hatifaniri kufunga kuti vamwe vanhu vakaipa nokuti bedzi ndevorumwe rudzi. Jesu anoda kuti vanhu vose vazive zvokwadi inotungamirira kuupenyu husingaperi. Nesuwo tinofanira kuda kubetsera vanhu kudzidza zvokwadi.