Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 101

Jesu Anourawa

Jesu Anourawa

TARIRA chinhu chinotyisa chiri kuitika! Jesu ari kuurawa. Vamuisa padanda. Mbambo dzinorovererwa nomuzvanza zvake netsoka. Neiko munhu upi noupi angada kuita izvi kuna Jesu?

Nokuti vamwe vanhu vanovenga Jesu. Unoziva kuti ndivanaani here? Mumwe wavo ingirozi yakaipa Satani Dhiabhorosi. Ndiyeyu akakwanisa kuita kuti Adhama naEvha vasaterere Jehovha. Uye Satani ndiye akaita kuti vavengi vaJesu vaite iyi mhaka inotyisa.

Kunyange Jesu asati arovererwa pano padanda, vavengi vake vanomuitira zvinhu zvoutsinye. Unoyeuka here mauyire avakaita kubindu reGetsemani ndokuenda naye? Vavengi ava vaiva vanaaniko? Eya, vaiva vatungamiriri vorudzidziso. Eya, ngationei chinoitikazve.

Apo Jesu anotorwa navatungamiriri vorudzidziso, vaapostora vake vanotiza. Vanosiya Jesu oga navavengi vake, nokuti vanova vanotya. Asi muapostora Petro naJohane havaendi kure. Vanotevera kuti vagoona chinoitika kuna Jesu.

Vaprista vanoenda naJesu kumukweguru Anasi, aichimbova muprista mukuru. Boka harigari pano nguva refu. Vanoendazve naJesu kumba kwaKayafasi, uyo zvino ari muprista mukuru. Vatungamiriri vazhinji vorudzidziso vaungana pamba pake.

Pano pamba paKayafasi vanotamba mhaka yacho. Vanhu vanopinzwa kuzorevera Jesu nhema. Vatungamiriri vorudzidziso vose vanoti: ʼJesu anofanira kuurawa.ʼ Ipapo vanopfirira mate muchiso chake, vachimurova netsiva dzavo.

Apo ikoku kose kuri kuitika, Petro ari kunze muruvazhe. Usiku hunotonhora, nokudaro vanhu vanovesa mwoto. Vachingunodziya havo mwoto, mubatirisikana anotarira Petro, achiti: ʼMurume uyu aivawo naJesu.ʼ

Petro anopindura kuti: ʼAiwa, handizati!ʼ

Vanhu vanotaura katatu kuna Petro kuti aiva naJesu. Asi nguva imwe neimwe Petro anoti handi chokwadi. Kechitatu Petro paanotaura izvi, Jesu anotenderuka ndokumutarira. Petro anonzwa urombo kwazvo nokuda kwokutaura idzi nhema, anoenda kure ndokuchema.

Zuva zvarinotanga kubuda paChishanu mangwanani, vaprista vanoenda naJesu kunzvimbo yavo yokusonganira, horo yaMakurukota. Pano vanotaurazve zvavachaita naye. Vanoenda naye kuna Pontio Pirato, mubati ushe woruwa rweJudhea.

Vaprista vanoudza Pirato kuti: ʼUyu munhu akashata, anofanira kuurawa.ʼ Abvunza mibvunzo Jesu, Pirato anoti: ʼHandingaoni kuti iye akaita chinhu chipi nechipi chakaipa.ʼ Ipapo Pirato anoendesa Jesu kuna Herodhe Antipasi. Herodhe mubati ushe weGarirea, asi ari kugara muJerusarema. Herodhe haangaoni kuti Jesu akaita chinhu chipi nechipi chakaipawo, saka anomudzosera kuna Pirato.

Pirato anoda kuregedza Jesu. Asi vavengi vaJesu vanoda kuti mumwe musungwa aregedzwe panzvimbo pake. Murume uyu ndiBharabhasi mbavha. Anenge ava masikati zvino apo Pirato anobudisa Jesu kunze. Anoti kuna vanhu: ʼOnai! Mambo wenyu!ʼ Asi vaprista vakuru vanodanidzira kuti: ʼMubvisei! Muurayei! Muurayei!ʼ Nokudaro Pirato anosunungura Bharabhasi, uye vanoenda naJesu kundouraya.

Chishanu mukuvamba kwokudeuka kwezuva Jesu anorovererwa padanda. Haungavaoni mumufananidzo, asi kurutivi rumwe norumwe rwaJesu tsotsi iri kuurairwawo padanda. Chinguvana Jesu asati afa, mumwe wamatsotsi anoti kwaari: ʼNdiyeukeiwo pamunopinda muumambo hwenyu.ʼ Ipapo Jesu anoti: ʼNdinokupikira kuti uchava neni muParadhiso.ʼ

Hachiziri chipikirwa chinoshamisa here? Unoziva here kuti iparadhisoi iri kutaurwa nezvayo naJesu? Ko paradhiso yakaitwa naMwari pakuvamba yaiva kupi? Hungu, pasi pano. Uye apo Jesu anobata ushe samambo mudenga, achadzorera munhu uyu kuupenyu kuti agofarikanya Paradhiso itsva pasi pano. Hatingafari pamsoro payo here?