Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 86

Vakatungamirirwa Nenyeredzi

Vakatungamirirwa Nenyeredzi

UNGAONA nyeredzi iyo yakajeka iri kunongedzerwa nomumwe wavarume ava here? Pavakabva Jerusarema, nyeredzi yakaoneka. Varume ava vanobva Mabvazuva, uye vanofunda nyeredzi. Vanodavira kuti nyeredzi itsva iyi iri kuvatungamirira kunomumwe munhu anokosha.

Apo varume vakasvika Jerusarema, vakati: ‘Uri kupiko mwana uchava mambo wavaJudha?’ “VaJudha” ndirimwe zita ravaIsraeri. “Takatanga kuona nyeredzi yomwana pataiveri Mabvazuva,’ vakadaro varumevo, ‘uye tauya kuzomunamata.’

Apo Herodhe, ari mambo paJerusarema, akanzwa izvi akatsamwa. Haana kuda kuti mumwe mambo atore nzvimbo yake. Nokudaro Herodhe akadana vaprista vakuru ndokuti: ‘Mambo akapikirwa achaberekerwa kupi?’ Vakati” ‘Bhaibheri rinoti muBheterehema.’

Zvino Herodhe akadana varume vanobva Mabvazuva, ndokuti: ʼEndai mundotsvaka mwana muduku. Pamunomuona, ndizivisei. Ndinoda kundomunamatawo.ʼ Asi, zvomenemene, Herodhe aida kuwana mwana kuti amuuraye!

Ipapo nyeredzi inotungamirira varumevo kuBheterehema, ndokumira pamusoro penzvimbo inomwana. Apo varume vanopinda mumba, vanowana Maria naJesu muduku. Vanobudisa zvipo ndokuzvipa kuna Jesu. Asi pashure Jehovha anonyevera varumevo muroto kusadzokera kuna Herodhe. Nokudaro vanodzokera kunyika yokwavo neimwe nzira.

Apo Herodhe anonzwa kuti varume vanobva Mabvazuva vaenda kumusha, anotsamwa kwazvo. Nokudaro anoraira kuti twukomana twose twomuBheterehema twuna makore mairi naari pasi twuurawe. Asi Jehovha anofanonyevera Josefa muroto, uye Josefa anoenda Egipita nemhuri yake. Gare gare, apo Josefa anonzwa kuti Herodhe afa, anodzokera kumusha kuNazareta naMaria naJesu. Umu ndimo munokurira Jesu.

Unofunga kuti ndiani akaita kuti nyeredzi itsva ipenye? Yeuka, varume vakatanga kuenda Jerusarema vaona nyeredziyo. Satani Dhiabhorosi aida kuuraya Mwanakomana waMwari, uye aiziva kuti Mambo Herodhe weJerusarema aizoedza kumuuraya. Nokudaro Satani ndiye anofanira kuve akaita kuti nyeredzi iyeyo ipenye.