Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 108

Pamugwagwa wokuDhamasiko

Pamugwagwa wokuDhamasiko

UNOZIVA here kuti ndiani arere pasi? NdiSauro. Yeuka, ndiyeka wairinda nguvo dzavarume vakataka Stefano namabwe. Tarira chiedza icho chinoteya meso! Chii chiri kuitika?

Stefano aurawa, Sauro anotungamirira mukuvhima vateveri vaJesu kuti avanetse. Anopinda imba neimba achivazvuvira kunze uye achivaisa mutorongo.Vazhinji vavadzidzi vanotizira kumamwe maguta kundowana vateveri vaJesu. Zvino ari kuenda Dhamasiko, Asi, ari kuenda, hechino chinhu chinoshamisa chinoitika:

Kamwe kamwe chiedza chinobva kudenga chinopenyera Sauro. Anowira pasi, sezvatinoona pano. Ipapo inzwi rinoti: ʼSauro, Sauro! Unondinetserei?ʼ Varume vana Sauro vanoona chiedza uye vanonzwa inzwi, asi havagoni kunzwisisa chiri kutaurwa.

ʼNdimi ani, iShe?ʼ Sauro anobvunza.

ʼNdini Jesu, wauri kunetsa,ʼ inzwi rinodaro. Jesu anotaura izvi nokuti apo Sauro anonetsa vateveri vake, Jesu anonzwa sokunge kuti ari kunetswa iye amene.

Zvino Sauro anobvunza kuti: ʼNdichaiteiko, iShe?ʼ

ʼSimuka ugoenda Dhamasiko,ʼ Jesu anodaro. ʼIkoko uchaudzwa zvaunofanira kuita.ʼ Apo Sauro anosimuka ndokusvinudza meso ake, haangaoni chinhu. Ibofu! Nokudaro varume vanaye vanomubata ruoko ndokumutungamirira kuDhamasiko.

Jesu zvino anotaura kunomumwe wavadzidzi vake muDhamasiko, achiti: ʼSimuka, Ananiasi. Enda kumugwagwa unonzi Wakarurama. Pamba paJudhasi bvunza munhu anonzi Sauro. Ndamusarudza kuva mubatiri wangu chaiye.ʼ

Ananiasi anoterera. Paanosangana naSauro, anoisa maoko ake paari ndokuti: ʼIshe wandituma kuti ugoonazve ndokuzadzwa nomudzimu mutsvene.ʼ Pakarepo chimwe chinhu chinenge mafunurwa chinowa pameso aSauro, uye anokwanisa kuonazve.

Sauro anoshandiswa nenzira yesimba kuparidzira vanhu vamarudzi mazhinji. Anova anozivikanwa somuapostora Pauro, watichadzidza zvimwe zvizhinji nezvake. Asi kutanga ngationei kuti Mwari anotuma Petro kunoitei.