Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 113

Pauro Ari muRoma

Pauro Ari muRoma

ONA ngetani dziri pana Pauro, uye tarira musoja weRoma anomurinda. Pauro musungwa muRoma. Ari kumirira kusvikira Kesari weRoma asarudza chokuita naye. Apo ari musungwa, vanhu vanobvumirwa kumushanyira.

Mazuva matatu Pauro asvika Roma anotumira shoko kuti vatungamiriri vavaJudha vazomuona. Somuuyo, vaJudha vazhinji muRoma vanouya. Pauro anovaparidzira nezvaJesu noumambo hwaMwari. Vamwe vanodavira vachiva maKristu, asi vamwe havadaviri.

Pauro anoparidzirawo masoja akasianasiana ane basa rokumurinda. Kwamakore mairi aanochengetwa muno somusungwa Pauro anoparidzira kuna wose waanogona. Somuuyo, kunyange imba yaKesari inonzwa nezvamashoko akanaka oUmambo, uye vamwe vavo vanova maKristu.

Asika mushanyi uyu ari patafura achinyora ndianiko? Ungafungidzira here? Hungu, ndiTimotio. Timotio avewo ari mutorongo nokuda kwokuparidza nezvoUmambo, asi asunungukazve. Uye auya muno kuzobetsera Pauro. Unoziva chiri kunyora Timotio here? Ngationei.

Unoyeuka here maguta eFiripi neEfeso muNhau 110? Pauro akabetsera kutanga ungano dzamaKristu mumagutawo. Zvino, apo ari mutorongo, Pauro anonyorera tsamba maKristu aya. Tsamba dzacho dziri muBhaibheri, uye dzinonzi VaEfeso naVaFiripi. Pauro zvino ari kuudza Timotio zvokunyorera shamwari dzavo dzamaKristu dzomuFiripi.

VaFiripi vave vanomutsa kwazvo kuna Pauro. Vakatumira chipo kwaari muno mutorongo, nokudaro Pauro ari kuvaonga nokuda kwacho. Epafrodhito ndiye murume akaunza chipo. Asi akarwara kwazvo akadokufa. Zvino anayazve uye agadzirira kuenda kumusha. Achaenda neiyi tsamba inobva kuna Pauro naTimotio paanodzokera kuFiripi.

Achiri mutorongo Pauro anonyora tsamba dzimwe mbiri dzatinadzo muBhaibheri. lmwe ndeyokumaKristu ari muguta reKorose. Unoziva kuti inonzii here? VaKorose. lmwe yacho itsamba yomunhu oga yokushamwari chaiyo inonzi Firemoni anogarawo muKorose. Tsamba yacho inoreva nezvomubatiri waFiremoni Onesimo.

Onesimo akatiza Firemoni ndokuuya kuRoma. Onesimo akanzwa nezvokuva kwaPauro mutorongo muno. Akashanya, uye Pauro akaparidzira kuna Onesimo. Nokukurumidza Onesimo akavawo muKristu. Zvino Onesimo anonzwa urombo kuti akatiza. Unoziva here chinonyora Pauro mutsamba iyi inoenda kuna Firemoni?

Pauro anokumbira Firemoni kukanganwira Onesimo. Pauro anonyora kuti: ’Ndinomudzosera kwauri, asi zvino haaziri bedzi mubatiri wako. lye ihamawo yechiKristu yakaisvonaka.’ Apo Onesimo anodzokera kuKorose anoenda netsamba idzi mbiri, imwe kuvaKorose neimwe yacho kuna Firemoni. Tingafungidzira chaizvo mafarire anoita Firemoni paanonzwa kuti mubatiri wake azova muKristu.

Apo Pauro anonyorera vaFiripi naFiremoni, ana mashoko akanaka kwazvo. Pauro anoudza vaFiripi kuti: ’Ndinokutumirai Timotio. Asi ndichakushanyiraiwo muchinguvana.’ Uye, kuna Firemoni, anoti: ’Ndigadzirire nzvimbo yokugara ikoko.’

Apo Pauro anosunungurwa anoshanyira hama nehanzvadzi dzechiKristu munzvimbo zhinji. Asi pashure Pauro anosungwazve muRoma. Nguva ino anoziva kuti achaurawa. Saka anonyorera Timotio achimukumbira kuuya nokukurumidza. Pauro anoti: ’Ndave ndakatendeka kuna Mwari, uye Mwari uchanditusa.’ Makore mashomanene apashure Pauro anourawa, Jerusarema rinoparadzwazve, nguva ino navaRoma.

Asi muBhaibheri mune zvakawanda. Jehovha Mwari anoita kuti muapostora Johane anyore mabhuku aro okupedzisira, nebhuku raZvakazarurwa. Bhuku iri reBhaibheri rinozivisa nezvenguva yemberi. Zvino ngatidzidze chine nguva yemberi.