Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 110

Timoti—Mubetseri Mutsva waPauro

Timoti—Mubetseri Mutsva waPauro

JAYA raunoona pano nomuapostora Pauro ndiTimotio. Timotio anogara nemhuri yokwake muRistra. Mai vake vanonzi Juniki uye mbuya vake vanonzi Roisi.

Kano ndekechitatu ako Pauro ashanyira Ristra. Rinenge gore rimwe kana anopfuura, Pauro naBharnabhasi vakatanga kusvika muno parwendo rwokuparidza. Uye zvino Pauro adzokerazve neshamwari yake Sirasi.

Unoziva chiri kutaura Pauro kuna Timotio here? Ari kuti: ʼUngada kukumbanira Sirasi neni here? Ungatibetsera mukuparidzira vanhu munzvimbo dziri kure.ʼ

Timotio anoti: ʼHungu, ndingada kuenda.ʼ Zvino nokukurumidza pashure pakwo Timotio anosia mhuri yokwake ndokuenda naPauro naSirasi. Asi tisati tadzidza nezverwendo rwavo, ngatiwanei chave chichiitika kuna Pauro. Ave anenge makore 17 chifo chokuoneka kwaJesu kwaari pamugwagwa wokuDhamasiko.

Yeuka, Pauro akauya kuDhamasiko kuzonetsa vadzidzi vaJesu, asi zvino ava mudzidzi iye amene! Pashure vavengi vanopangana kumuuraya nokuti havadi kudzidzisa kwake nezvaJesu. Asi vadzidzi vanomubetsera kunzvenga. Vanomuisa mutswanda ndokumuburutsira kunze kworusvingo rweguta. Pashure pacho Pauro anoenda Antiokia kundoparidza. Ndimo muno umo vateveri vaJesu vanotanga kunzi maKristu.

Pauro naBharnabhasi zvino vanotumwa parwendo rwokundoparidza vachibva muAntiokia kunyika dziri kure. Rimwe ramaguta avanoshanyira iRistra, musha waTimotio.

Zvino, rinenge gore pashure, Pauro adzokazve muRistra parwendo rwechipiri. Apo Timotio anoenda naPauro naSirasi, unoziva here kwavanoenda? Tarira pamapu, uye ngatidzidze dzimwe dzenzvimbo.

Kutanga, vanoenda Ikonio iri pedyopo, tevere kuguta rechipiri rinonzi Antiokia. Pashure pacho vanoenda kuTroa, ipapo vanoyambukira Firipi, Tesaronika neBherea. Unoona Atene pamapu here? Pauro anoparidzira muno. Pashure pakwo vanopedza gore nehafu vachiparidzira muKorinte. Pakupedzisira vanomboti mirei muEfeso. Ipapo vanodzokera neigwa kuKesaria, ndokukwira Antiokia, uko Pauro anogara.

Nokudaro Timotio anofamba mazana namazana amamaira achibetsera Pauro kuparidza “mashoko akanaka“ nokuvamba ungano zhinji dzechiKristu. Paunokura, uchava mubatiri akatendeka waMwari saTimotio here?