Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 111

Mukomana Akabatwa Nehope

Mukomana Akabatwa Nehope

Maiwe-e! Chii chiri kuitika pano? Mukomana avete pasi akuvara kwazvo here? Tarira! mumwe wavarume vanobuda mumba ndiPauro! Ungaonawopo Timotio here? Ko mukomana awa napawindi here?

Hungu, ndozvaitika chaizvo. Pauro anga achikurukura hurukuro kuvadzidzi vomuno muTroa. Aiziva kuti haazovaonizve kwenguva refu nokuti anofanira kuenda neigwa mangwana. Nokudaro akapfuurira kutaura kusvikira pakati pousiku.

Eya, uyu mukomana anonzi Yutiko anga agere pawindi, ndokubatwa nehope. Awira pasi, napawindi chaipo, nhurikidzwa nhatu kusvika pasi! Saka unogona kuona kuti nei vanhu vachinge vanonetsekana kwazvo. Apo vanhu vanosimudza mukomana, kuri sezvavanotyira chaizvo. Afa!

Panoona Pauro kuti mukomanayo wafa, anovata pamusoro pake ndokumufungatira. Ipapo anoti: ʼMusanetsekana. Arinani hake!ʼ Mupenyu! Inenji! Pauro amudzorera kuupenyu! Fungu romufaro rinopararira mubokaro.

Vose vanokwirazve kumusoro ndokudya zvokudya. Pauro anopfuurira kutaura kusvikira kwoedza. Asika ungasimbisira kuti Yutiko haachabatwizve nehope! Ipapo Pauro, Timotio naavo vanofamba navo vanopinda mugwa. Unoziva kwavari kuenda here?

Pauro achikungobva kupedza rwendo rwake rwechitatu rwokuparidza, uye ari kuenda kumusha. Parwendo urwu Pauro akanga agara makore matatu muguta reEfeso roga bedzi. Saka urwu rwunotova rwendo rurefu kupinda rwendo rwechipiri.

Vabva Troa, igwa rinomira paMireto kwechinguvana. Efeso zvairi mamaira mashomanene chaizvo kure, Pauro anodana varume vakuru mudziungano kuti vayambukire Mireto kuti agotaura navo kwenguva yokupedzisira. Pashure pacho, panosvika nguva yokuti igwa riende, haiwa vanosuruvara sei kuona Pauro achienda!

Pakupedzisira igwa rinodzokera Kesaria. Apo Pauro anogara muno paimba yomudzidzi Firipo, muprofita Agabhasi anonyevera Pauro. Anotaura kuti Pauro achaitwa musungwa paanosvika Jerusarema. Chokwadi, ndozvinoitika. Ipapo, ava mutorongo kwamakore mairi muKesaria, Pauro anotumirwa Roma kundotambwa mhaka pamberi pomubati ushe weRoma Kesari. Ngationei chinoitika parwendo rwokuRoma.

Mabasa ganhuro 19 kusvikira ku 26.