Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIKAMU 8

Chinodeya Kuziviswa neBhaibheri Chinozadzika

Chinodeya Kuziviswa neBhaibheri Chinozadzika

Bhaibheri harizati richingopa bedzi nhau yechokwadi yezvakaitika munguva yakapfuura asi rinozivisawo zvichaitika munguva yemberi. Vanhu havagoni kuzivisa nguva yemberi. Ndokusaka tichiziva kuti Bhaibheri rinobva kuna Mwari. Ko Bhaibheri rinotii pamsoro penguva yemberi?

Rinozivisa pamsoro pehondo huru yaMwari. Mune iyi hondo Mwari achabvisa ushati hwose navanhu vakashata papasi, asi achachengeta avo vanomubatira. Mambo waMwari, Jesu Kristu, achatarisira kuti vabatiri vaMwari vanofarikanya rugare nomufarwa, uye kuti havazotongorwarizve kana kuti kufa.

Tingafara kuti Mwari achaita paradhiso itsva pasi pano, hatingafari here? Asika tinofanira kuita chimwe chinhu kana tichizogara muparadhiso iyi. Munhau yokupedzisira yebhuku tinodzidza zvatinofanira kuita kuti tigofarikanya zvinhu zvinoshamisa izvo Mwari akachengetera vanomubatira. Nokudaro rava CHIKAMU 8 ugowana izvo Bhaibheri rinodeya kuzivisa nokuda kwenguva yemberi.

 

ZVIRI MUCHIKAMU CHINO

NHAU 114

Mugumo Woushati Hwose

Nei Mwari achiita kuti uto rake rinotungamirirwa naJesu riende kunorwa paAmagedhoni?

NHAU 115

Paradhiso Itsva Pasi Pano

Kare, vanhu vaimbogara muParadhiso, uye zvichaitika zvakare.

NHAU 116

Kurarama Kwatingaita Narini

Kuziva Jehovha naJesu zvakakwana here? Kana zvisina kukwana, ndezvipi zvimwe zvinodiwa?