Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NHAU 116

Kurarama Kwatingaita Narini

Kurarama Kwatingaita Narini

UNGAZIVA here icho kasikana neshamwari dzako vari kurava? Hungu, ibhuku rino rimene rauri kurava—Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri.Uye vari kurava nhau imene yauri kurava—“Kurarama Kwatingaita Narini.”

Unoziva chavari kudzidza here? Kutanga, kuti tinodikanirwa kuziva pamsoro paJehovha noMwanakomana wake Jesu kana tichizorarama nokusingaperi. Bhaibheri rinoti: ’Iyi ndiyo nzira yokurarama nokusingaperi. Dzidza pamsoro paMwari wechokwadi bedzi, noMwanakomana waakatuma kupasi, Jesu Kristu.’

Tingadzidza seiko pamsoro paJehovha Mwari noMwanakomana wake Jesu? Nzira imwe ndeyokurava Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri kubvira kumavambo kusvikira kumugumo. Rinozivisa zvizhinji pamsoro paJehovha naJesu, anditi? Uye rinozivisa zvizhinji pamsoro pezvinhu zvavakaita nezvinhu zvavachaita. Asi tinoda kuita zvinopfuura kurava bedzi bhuku iri.

Unoona rimwe bhuku riri pahuriri here? IBhaibheri. Ko mumwe munhu akambokuravira mativi anobva muBhaibheri akavakirwa nhau dzebhuku rino paari here? Bhaibheri rinotipa mashoko azere atinoda kuti tose tigobatira Jehovha nenzira yakarurama ndokuwana upenyu husingaperi. Nokudaro tinofanira kuita tsika yokugarofunda Bhaibheri.

Asika kungodzidza bedzi nezvaJehovha Mwari naJesu Kristu hakuna kukwana. Tingava nezivo yakawanda kwazvo pamsoro pavo nedzidziso dzavo, asi tisingazowani upenyu husingaperi. Unoziva here kuti chiizve chimwe chinodikanwa?

Tinodikanirwawo kurarama mukuwirirana nezvinhu zvatinodzidza. Unoyeuka Judhasi Iskarioti here? Aiva mumwe wavane 12 vakasarudzwa naJesu kuva vaapostora vake. Judhasi aiva nezivo yakawanda pamsoro paJehovha naJesu. Asika chii chakaitika kwaari? Pashure pechinguvana akava anoudyire, akachera Jesu kuna vavengi vake nokuda kwezvimedu zvesirivha 30. Saka Judhasi haazogamuchiri upenyu husingaperi.

Unoyeuka Gehazi, munhu watakadzidza nezvake muNhau 69 here? Aida kuva nezvimwe zvipfeko nemari zvisaiva zvake. Saka akareva nhema kuti agowana zvinhu izvi. Asi Jehovha akamuranga. Uye achatirangawo kana tisingatereri mitemo yake.

Asi kuna vanhu vazhinji vakanaka vaigarobatira Jehovha nokutendeka. Tinoda kuva saivo, hatidi here? Samueri muduku muenzaniso wakanaka wokutevedzera. Yeuka, sezvatakaona muNhau 55, aingova namakore 4 kana 5 paakatanga kubatira Jehovha mutabernakeri yake. Saka hakunei nokuti uri muduku sei, hauziri muduku zvokusagona kubatira Jehovha. Chokwadi munhu watinoda kutevedzera tose ndiJesu Kristu.

Kunyange paaiveri kakomana, sezvinoratidzwa muNhau 87, aivamo mutembere achitaura navamwe nezvaBaba vake vokudenga. Ngatitevedzerei muenzaniso wake. Ngatiudzei vanhu vazhinji savangabvira nezvaMwari wedu anoshamisa Jehovha noMwanakomana wake, Jesu Kristu. Kana tikaita zvinhu izvi, ipapo tichakwanisa kurarama nariini muparadhiso itsva yaMwari pasi pano.