Vakafa Vachararamazve Here?
Ungati . . .
-
hongu here?
-
kwete here?
-
pamwe here?
BHAIBHERI RINOMBOTII?
“Kuchava nekumuka” kwevakafa.—Mabasa 24:15, Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva.
ZVARINOTAURA ZVINGAKUBATSIRA SEI?
Zvichakunyaradza kana ukafirwa.—2 VaKorinde 1:3, 4.
Hauzotyi rufu.—VaHebheru 2:15.
Uchava netariro yechokwadi yekuzoonazve hama neshamwari dzakafa.—Johani 5:28, 29.
TINGANYATSOBVUMA ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI HERE?
Hongu. Tine zvikonzero zvitatu zvinoita kuti tidaro:
-
Mwari ndiye Musiki wezvinhu zvese zvipenyu. Bhaibheri rinoti kuna Jehovha Mwari “ndiko kunobva upenyu.” (Pisarema 36:9; Mabasa 17:24, 25) Saka haangambotadzi kuita kuti munhu akafa ave mupenyu nekuti ndiye akasika zvinhu zvese zvipenyu.
-
Mwari akambomutsa vakafa. Bhaibheri rinotaura nezvevanhu 8 vakamutswa pasi pano. Pavanhu vacho paiva nevadiki, vakuru, varume nevakadzi. Vamwe vakanga vachangobva kufa, asi mumwe akanga ava nemazuva mana ari muguva!—Johani 11:39-44.
-
Mwari anoda kumutsazve vanhu. Jehovha anovenga rufu; anorwuona semuvengi. (1 VaKorinde 15:26) Anoda zvikuru kukurira muvengi iyeye achishandisa rumuko. Akatomirira nemwoyo wese kumutsa vese vaanoyeuka kuti vararamazve pasi pano.—Jobho 14:14, 15.
ZVEKUFUNGA NEZVAZVO
Chii chinoita kuti tikwegure uye tife?
Bhaibheri rinopindura mubvunzo iwoyo pana GENESISI 3:17-19 naVAROMA 5:12.