Zvaungaita kuti unyatsobatsirwa nezvidzidzo zveBhaibheri zviri mubhuku rino
Ita zvekudzidziswa: Kumbira munhu akupa bhuku rino kuti akudzidzise kana kuti tumira chikumbiro chako pajw.org.
CHIKAMU CHEKUTANGA
Verenga ndima, nemibvunzo inenge iri nechepamusoro pendima dzacho (A) nemavhesi (B) anobudisa pfungwa dzinokosha. Mamwe mavhesi akatonyorwa kunzi “verengai.”
CHIKAMU CHECHIPIRI
Mashoko ari pakanzi Wedzera Kuongorora (C) anotaura zvimwe zvamuchadzidza. Misoro yenyaya midiki (D) inoratidza pfungwa dzinokosha dzichadzidzwa. Verengai mavhesi, mopindura mibvunzo, uye moona mavhidhiyo anenge aripo (E).
Nyatsotarisa mifananidzo nemashoko anenge akanyorwa pedyo nemifananidzo yacho (F), wofunga kuti ungapindura sei mibvunzo iri pakanzi Vamwe Vanoti (G).
CHIKAMU CHEKUPEDZISIRA
Zvese zvamunenge madzidza muchidzidzo chacho zvinodzokororwa muchidimbu pazvikamu zvakanzi Pfupiso uye Kudzokorora (H). Nyora musi wamunenge mapedza chidzidzo chacho. Pakanzi Edza Izvi (I) panokuudza zvinhu zvaunofanira kuita zvinoenderana nezvaunenge wadzidza. Pakanzi Wedzera Pane Zvawadzidza (J) panenge paine zvimwe zvaunogona kuverenga kana mamwe mavhidhiyo aunogona kuona.
Ungawana sei vhesi yaunenge uchida muBhaibheri?
Mavhesi emuBhaibheri anonyorwa pachitanga nezita rebhuku racho remuBhaibheri (A), kwozotevera chitsauko (B), kwozotevera nhamba yevhesi kana kuti mavhesi (C). Kana pakanzi, Johani 17:3 zvinenge zvichireva kuti bhuku reBhaibheri raJohani, chitsauko 17, vhesi 3.