CHIDZIDZO 10
Ungabatsirwa Sei Nemisangano yeZvapupu zvaJehovha?
Wakambokokwa kumusangano weZvapupu zvaJehovha here? Kana usati wambopinda musangano wavo, unogona kuzeza kumbozviedza. Unogona kubvunza kuti: ‘Chii chinoitwa kumisangano yavo? Nei ichikosha? Nei ndichifanira kuipinda?’ Muchidzidzo chino, uchaona kuti kuungana nevamwe kunogona kukubatsira muupenyu hwako uye kukuswededza pedyo naMwari.
1. Ndechipi chikonzero chikuru chekuungana nevamwe?
Mumwe munyori weBhaibheri akataura chikonzero chikuru chekuti tiungane nevamwe achiti: “Ndicharumbidza Jehovha ndiri pakati peungano yakakura.” (Pisarema 26:12) Ndosaka Zvapupu zvaJehovha zvichinakidzwa nekuungana pamwe chete. Pasi rese, vanoungana vhiki rimwe nerimwe kuti varumbidze Mwari, vachiimba pamwe chete nekunyengetera. Vane magungano avanopindawo gore negore vachinamata.
2. Uchadzidzei pamisangano yedu?
Zvese zvinodzidziswa kumisangano yedu zvinobva muShoko raMwari, iro rinenge ‘richitsanangurwa zvakajeka, richidudzirwa.’ (Verengai Nehemiya 8:8.) Pauchapinda misangano yedu uchadzidza nezvaJehovha nekunaka kwake. Pauchadzidza nezvekuda kwaanokuita, uchaswedera pedyo naye. Uchadzidzawo kuti anogona kukubatsira kuti ufare muupenyu.—Isaya 48:17, 18.
3. Uchabatsirwa sei nekukurukura nevanhu kumisangano yedu?
Jehovha anoda kuti tive “nehanya nemumwe nemumwe, kuitira kuti tikurudzirane kuva nerudo uye kuita mabasa akanaka, tisingaregi kuungana kwedu.” (VaHebheru 10:24, 25) Pamisangano yedu uchasangana nevanhu vane rudo, uye vanodawo kudzidza zvakawanda nezvaMwari sezvaunoita. Uchanzwa vachitaura zvinhu zvinokurudzira zvinobva muBhaibheri. (Verengai VaRoma 1:11, 12.) Uchasangana nevanhu vakaroorana nevasina, vachitaura nezvekufara kwavari kuita pasinei nematambudziko avanosangana nawo. Ndosaka Jehovha achida kuti tiungane nevamwe kuti tiwane makomborero ese aya!
WEDZERA KUONGORORA
Ona kuti misangano yeZvapupu zvaJehovha inoitwa sei uye kuti inogona kukubatsira sei.
4. Misangano yeZvapupu zvaJehovha
VaKristu vekutanga vaigara vachiungana kuti vanamate Jehovha. (VaRoma 16:3-5) Verengai VaKorose 3:16, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:
-
VaKristu vekutanga vaiita sei pavaiungana vachinamata Jehovha?
Mazuva ano, Zvapupu zvaJehovha zvinogara zvichiunganawo zvichinamata. Kuti muone kuti vanoita sei misangano yacho, onai VHIDHIYO. Kana mapedza, tarisai mufananidzo wevanhu vari pamusangano, mozokurukura mibvunzo inotevera:
-
Ndezvipi zvawaona zvinoitika paImba yeUmambo zvakafanana nezvawaverenga pana VaKorose 3:16?
-
Muvhidhiyo yawaona kana kuti papikicha, pane zvimwe zvawafarira nezvemisangano yedu here?
Verengai 2 VaKorinde 9:7, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:
-
Nei vanhu vasingabhadhariswe kuti vapinde misangano yeZvapupu zvaJehovha?
Uchibatsirwa neChapupu chaJehovha chiri kukudzidzisa Bhaibheri, tarisa zvichakurukurwa pamusangano wedu mumwe chete wevhiki rino.
-
Pane zvatakurukura nezvemusangano uyu, ndezvipi zvawafarira?
Waizviziva Here?
Ukaenda pajw.org, uchawana nzvimbo nenguva dzinoitwa misangano yedu pasi rese.
-
Misangano yedu inenge iine mharidzo dzeBhaibheri dzinopiwa, mavhidhiyo nezvimwewo. Misangano yedu inotanga uye inopera nerwiyo nemunyengetero
-
Pamwe pacho vateereri vanokumbirwa kuti vataurewo
-
Munhu wese anogona kuuya, dzingava mhuri, vasina kuroora kana kuroorwa, vakwegura uyewo vana
-
Misangano yedu haibhadhariswe pakupinda uye hatifambise ndiro yemari
5. Kupinda misangano kunotoda kuzvipira
Chimbofunga zvaiitwa nemhuri yakarera Jesu. Kuti vapinde musangano waiitwa gore negore, vaifamba makiromita anenge 100 vachipfuura nemumakomo pavaibva kuNazareta vachienda kuJerusarema. Verengai Ruka 2:39-42, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:
-
Unofunga kuti rwendo urwu rwekuenda kuJerusarema rwaiva nyore here?
-
Nei dzimwe nguva ungatofanira kurwisa kuti upinde misangano?
-
Unofunga kuti pane zvazvinobatsira here? Nei wadaro?
Bhaibheri rinoti kuungana pamwe chete tichinamata kunokosha chaizvo. Verengai VaHebheru 10:24, 25, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:
-
Nei tichifanira kupinda misangano nguva dzese?
VAMWE VANOTI: “Kuungana nevamwe hakuna basa. Zvakatokwana kudzidza Bhaibheri uri kumba.”
-
Ivhesi ipi kana kuti inyaya ipi yemuBhaibheri inoratidza zvinodiwa naJehovha kuti tiite?
PFUPISO
Kupinda misangano kuchakubatsira kuti udzidze zvakawanda nezvaJehovha, usimbise ushamwari hwako naye, uye unamate pamwe chete nevamwe.
Kudzokorora
-
Nei Jehovha achitikurudzira kuti tiungane nevamwe?
-
Uchadzidzei pamisangano yeZvapupu zvaJehovha?
-
Ndezvipi zvimwe zvaunofunga kuti zvichakubatsira kana ukapinda misangano yedu?
WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA
Ko kana uchizeza kupinda musangano nesu? Ona mumwe murume akazopedzisira ava kufarira misangano yedu chaizvo kunyange zvazvo aimbozeza kuipinda.
Ona kuti mumwe mukomana wechidiki akanzwa sei paakapinda misangano yedu uye kuti akazoita sei kuti arambe achiipinda.
Verenga uone kuti vamwe vanonzwa sei nekupinda misangano.
“Nei Tichipinda Misangano paImba yeUmambo?” (Nyaya iri paIndaneti)
Verenga unzwe kuti mumwe murume aifarira zvekurwa akachinja sei upenyu hwake paakapinda musangano weZvapupu zvaJehovha.
“Hapana Kwandaienda Ndisina Pfuti Yangu” (Nharireyomurindi, July 1, 2014)