Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chikamu 1 Kudzokorora

Chikamu 1 Kudzokorora

Kurukurai mibvunzo inotevera nemunhu ari kudzidza newe Bhaibheri:

  1. Ndedzipi vimbiso dzinotaurwa muBhaibheri dzaunonyanya kufarira?

    (Ona Chidzidzo 02.)

  2. Nei uchibvuma kuti Bhaibheri iShoko raMwari?

    (Ona Chidzidzo 03 ne05.)

  3. Nei zvichikosha kuti tishandise zita raMwari?

    (Ona Chidzidzo 04.)

  4. Bhaibheri rinoti kuna Mwari “ndiko kunobva upenyu.” (Pisarema 36:9) Unobvumirana nemashoko aya here?

    (Ona Chidzidzo 06.)

  5. Verengai Zvirevo 3:32.

    • Nei Jehovha ari Shamwari yakanaka kupfuura dzimwe dzese?

    • Jehovha anoda shamwari dzakaita sei? Unofunga kuti zvaanoda zvinokwanisika here?

      (Ona Chidzidzo 07 ne08.)

  6. Verengai Pisarema 62:8.

    • Inyaya dzipi dzawakambonyengetera nezvadzo kuna Jehovha? Ndezvipi zvimwe zvaunoda kunyengeterera?

    • Jehovha anopindura sei minyengetero yedu?

      (Ona Chidzidzo 09.)

  7. Verengai VaHebheru 10:24, 25.

    • Ungabatsirwa sei nemisangano yeZvapupu zvaJehovha?

    • Ko iwe unofunga kuti iri kukubatsira here?

      (Ona Chidzidzo 10.)

  8. Kugara uchiverenga Bhaibheri kwakanakirei? Purogiramu yako yekuverenga Bhaibheri zuva rega rega yakamira sei?

    (Ona Chidzidzo 11.)

  9. Chii chakanyanya kukunakidza pakudzidza kwatiri kuita Bhaibheri?

  10. Kubvira patakatanga kudzidza Bhaibheri, pane zvipingamupinyi zvawakasangana nazvo here? Chii chichakubatsira kuramba uchidzidza Bhaibheri?

    (Ona Chidzidzo 12.)