Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 22

Ungaudze Sei Vamwe Mashoko Akanaka?

Ungaudze Sei Vamwe Mashoko Akanaka?

Pauri kudzidza chokwadi kudai unogona kunge wava kutofunga kuti, ‘Munhu wese anofanira kunzwa mashoko aya!’ Ichokwadi kuti munhu wese anofanira kunzwa mashoko aya! Asi unogona kunzwa uchiti ityei kuudza vamwe zvawakadzidza. Ngatikurukurei kuti ungaita sei kuti ukurire dambudziko rekutya, woudza vamwe mashoko akanaka uchifara.

1. Ungataure sei nevanhu vaunoziva zvinhu zvawakadzidza?

Vadzidzi vaJesu vakati: “Hatingaregi kutaura pamusoro pezvinhu zvatakaona nezvatakanzwa.” (Mabasa 4:20) Vaikoshesa chokwadi zvekuti vaida kuchiudza munhu wese wavaikwanisa kutaura naye. Ndizvo zvaunoitawo here? Kana zvakadaro, tsvaga mikana yekutaura zvine ruremekedzo nehama neshamwari uchivaudza zvawakadzidza.—Verengai VaKorose 4:6.

Matangiro aunogona kuita

  • Paunenge uchitaura nevekumba kwenyu unogona kutanga nyaya yacho uchiti: “Pane imwe nyaya yandakadzidza vhiki rino yakandinakidza.”

  • Verengera shamwari iri kurwara kana kuti ine zviri kuinetsa, rugwaro runokurudzira.

  • Kana vamwe vekubasa vakakubvunza kuti waiitei kupera kwevhiki, unogona kuvaudza zvakakunakidza pawaidzidza Bhaibheri kana kuti kumisangano.

  • Ratidza shamwari dzako jw.org.

  • Koka vamwe paunenge uchidzidza Bhaibheri kana kuti varatidze kuti vangaisa sei chikumbiro chavo chekudzidziswawo Bhaibheri pajw.org.

2. Nei uchifanira kuva nechinangwa chekuzoparidzawo neungano?

Vadzidzi vaJesu vaisangoparidza mashoko akanaka kuvanhu vavaizivana navo chete. Jesu “akavatuma mberi kwake vari vaviri vaviri mumaguta ese” kuti vanoparidza. (Ruka 10:1) Kuparidza zvakarongeka kwakapa vakawanda mukana wekunzwa mashoko akanaka. Kuparidza pamwe chete kwakaitawo kuti vadzidzi vafare zvikuru. (Ruka 10:17) Haungadewo here kuzopedzisira wava kuparidza neungano?

WEDZERA KUONGORORA

Dzidza zvaungaita kuti ukurire dambudziko rekutya, wowana mufaro unobva pakuudza vamwe mashoko akanaka.

3. Jehovha achakubatsira

Vamwe vanhu vanoda kuparidza asi vanotya kuti vanhu vanozovaona sei kana kuti vachatambira sei mashoko avo.

  • Unofunga kuti kuudza vamwe zvauri kudzidza kunotyisa here? Nei uchidaro?

Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mubvunzo unotevera.

  • Chii chakabatsira Zvapupu zvechidiki izvi kuti zvisatya?

Verengai Isaya 41:10, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

  • Paunenge uchitya kuparidza, nei uchifanira kunyengetera?

Waizviziva here?

Zvapupu zvaJehovha zvakawanda zvaitombotyawo kuudza vamwe mashoko akanaka. Mumwe aitya ndiSergey. Ainzwa sekuti haabatsiri uye zvaimuomera kutaura nevanhu. Asi akazodzidza Bhaibheri. Anoti: “Kunyange zvazvo ndaitya, ndakatanga kuudza vamwe zvandaidzidza. Ndakatozoshamiswa pandakaona kuti pandaiudza vamwe zviri muBhaibheri dambudziko rangu rekuzvitarisira pasi raitoderera. Pandaitaurira vamwe zvandakanga ndichangobva kudzidza, zvaibva zvatodzikawo midzi mumwoyo mangu.”

4. Remekedza vanhu

Paunenge uchiudza vamwe mashoko akanaka haufaniri kungofunga zvauchataura chete asi fungawo matauriro auchazviita. Verengai 2 Timoti 2:24 uye 1 Petro 3:15, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:

  • Ungashandisa sei zviri mumavhesi aya paunenge uchitaura nevamwe zviri muBhaibheri?

  • Dzimwe hama neshamwari dzako dzinogona kusabvumirana newe. Ungaite sei pakadaro? Asi chii chausingafaniri kuita?

  • Nei zvakanaka kushandisa mibvunzo pane kumanikidza vanhu kubvuma zvaunenge uchitaura?

5. Kuudza vamwe mashoko akanaka kuchaita kuti ufare

Jehovha akapa Jesu basa rekuparidza mashoko akanaka. Jesu aiona sei basa iri? Verengai Johani 4:34, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:

  • Kudya zvekudya zvakanaka kunotiraramisa uye kunoita kuti tifare. Nei Jesu akafananidza kuita kuda kwaMwari, kusanganisira basa rekuparidza, nezvekudya?

  • Kuparidza mashoko akanaka kunokubatsira sei kuti ufare?

Zvaungaite

  • Pamusangano wepakati pevhiki, dzidza kuti ungatanga sei kutaura nevanhu.

  • Taura nemudzidzisi wako kana uchida kuvawo mudzidzi pamusangano wepakati pevhiki. Kana ukaitawo hurukuro dzinoitwa nevadzidzi zvichakubatsira kuti uzoudzawo vamwe zvauri kudzidza.

  • Shandisa chikamu chakanzi “Vamwe Vanoti” kana kuti “Mumwe Munhu Anogona Kubvunza Kuti” chiri mukosi ino kuti udzidzire kupindura mibvunzo nezvimwe zvinowanzotaurwa nevakawanda.

MUMWE MUNHU ANOGONA KUBVUNZA KUTI: “Muri kuzvigonawo sei?” Kana kuti, “Hwakadii upenyu?”

  • Ungashandisa sei mukana uyu kuti umuudze zvauri kudzidza kubva muBhaibheri?

PFUPISO

Kuparidza mashoko akanaka kunoita kuti ufare uye hakuna kumbooma.

Kudzokorora

  • Nei uchifanira kuudzawo vamwe mashoko akanaka?

  • Ungazviita sei zvine ruremekedzo?

  • Ungaita sei kuti usatya kuparidza?

Edza Izvi

WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA

Dzidza nzira ina dzekushandisa nadzo kadhi rejw.org pakuparidza.

Mharidzo Yekushandisa Kadhi Rejw.org (1:43)

Dzidza zvinhu zvina zvinogona kukubatsira pakuudza vamwe mashoko akanaka.

“Wagadzirira Kuva Mubati Wevanhu Here?” (Nharireyomurindi, September 2020)

Ona nyaya yemuBhaibheri inogona kubatsira kunyange vadiki kuti vasatya kuudza vamwe mashoko akanaka.

Jehovha Achakubatsira Kuti Usatya (11:59)

Verenga unzwe zvaungaita kuti uudzewo veukama nezvaJehovha.

“Kubatsira Voukama Kuti Vave Zvapupu” (Nharireyomurindi, March 15, 2014)