Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 39

Maonero Anoita Mwari Ropa

Maonero Anoita Mwari Ropa

Ropa rinokosha zvikuru. Hapana munhu anogona kurarama asina ropa. Mwari ndiye ane kodzero yekutiudza mashandisirwo anofanira kuitwa ropa nekuti ndiye Musiki. Anoti chii nezveropa? Tinogona kuridya here kana kuriwedzerwa mumuviri medu tichirapwa? Tingasarudze sei zvakanaka panyaya iyi?

1. Jehovha anoona sei ropa?

Jehovha akaudza vanhu vaimunamata kare kuti: “Upenyu hwenyama yese ndiro ropa rayo.” (Revhitiko 17:14) Kuna Jehovha, ropa ndihwo upenyu. Sezvo upenyu hwatakapiwa naMwari huri hutsvene, ropa idzvenewo.

2. Mwari anorambidza kushandiswa kupi kweropa?

Kare kare, Jesu asati atombouya pasi pano, Jehovha akapa vanhu vaimunamata murayiro wekuti vasadya ropa. (Verengai Genesisi 9:4 uye Revhitiko 17:10.) Akaratidza kuti mutemo iwoyo uchiri kushanda pakaudzwa vaKristu nedare rinotungamirira kuti varambe ‘vachirega . . . ropa.’—Verengai Mabasa 15:28, 29.

Kurega ropa kunorevei? Kana chiremba akakuudza kuti urege doro, unobva wasiya kurinwa. Asi ungazoramba uchidya zvinhu zvine doro kana kuita zvekuribayirirwa mutsinga here? Zviri pachena kuti hauzodaro. Ndozvazvakangoitawo nemutemo waMwari pamusoro peropa; patinonzi tirirege zvinoreva kuti hatizorinwa kana kudya nyama yemhuka isina kuchekwa ichibviswa ropa. Uye hatizodyawo zvekudya zvine ropa.

Ko kushandiswa kweropa pakurapwa? Dzimwe nzira dzekurapa dzinotyora mutemo waMwari zviri pachena. Dzinosanganisira kuwedzerwa ropa rese rakakwana kana kuti chimwe chezvinhu zvikuru zvinoriumba zvinoti masero matsvuku, masero machena, maplatelets, uye plasma. Dzimwe nzira dzekurapa dzinogona kunge dzisina kujeka kuti kutyora mutemo waMwari here kana kuti kwete. Dzimwe dzacho ndedzakadai sepaya panoshandiswa zvikamu zvidikidiki zvinobviswa pazvinhu zvikuru zvinoumba ropa. Dzimwe nzira dzekurapwa dzinosanganisira kushandiswa kweropa rako pachako. Panzira idzi dzisina kunyatsojeka, mumwe nemumwe anofanira kuzvisarudzira ega. aVaGaratiya 6:5.

WEDZERA KUONGORORA

Ongorora kuti ungasarudza sei marapirwo aungaitwa kana pakamuka nyaya yeropa.

3. Sarudza marapirwo anofadza Jehovha

Ungasarudza sei nzira dzekurapwa dzinoenderana nemaonero aMwari? Ngationei VHIDHIYO, tozokurukura kuti kutora matanho anotevera kunokosha zvakadini.

  • Nyengeterera uchenjeri.—Jakobho 1:5.

  • Tsvakurudza kuti Bhaibheri rinotii uye kuti zvarinotaura zvinoshanda sei.—Zvirevo 13:16.

  • Udzwa kuti inzira dzipi dziripo kwaunogara dzaunogona kusarudza padziri.

  • Gara waziva dzaunonyatsoona kuti hadzifadzi Jehovha.

  • Sarudza zvinosiya hana yako isingazozvitongese.—Mabasa 24:16. b

  • Ziva kuti hapana anofanira kukusarudzira zvekuita panyaya inoda hana yako, angava murume kana mudzimai wako, mukuru, kana kuti munhu ari kukudzidzisa Bhaibheri.—VaRoma 14:12.

  • Nyora pasi zvaunenge wasarudza.

4. Zvapupu zvaJehovha zvinoda kurapwa nenzira dzakanakisisa dzinenge dziripo

Zvinokwanisika kuti munhu ateerere mutemo waMwari pamusoro peropa, orapwa zvakanakisisa pasingashandiswe ropa. Ngationei VHIDHIYO.

Verengai Tito 3:2, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo uyu:

  • Nei tichifanira kutaura zvakanaka uye neunyoro patinenge tichikurukura nevanoita zvekurapa?

Hatibvumi zvachose

MuKristu anosarudza ega

A. Plasma.

Zvikamu zvidiki zvinobviswa muplasma

B. Masero machena.

Zvikamu zvidiki zvinobviswa mumasero machena

C. Maplatelets.

Zvikamu zvidiki zvinobviswa mumaplatelets

D. Masero matsvuku.

Zvikamu zvidiki zvinobviswa mumasero matsvuku

 5. Kana iri nyaya yezvikamu zvidiki zveropa

Ropa rine zvikamu zvikuru zvina zvinoriumba zvinoti, masero matsvuku, masero machena, maplatelets, neplasma. Zvikamu izvi zvine tumwe tunhu tudiki tunotorwa pazviri twatingati zvikamu zvidiki. c Tumwe tunhu utwu tunoshandiswa pakugadzira mishonga inorwisa zvirwere kana kuti inoita kuti ropa rimire kubuda.

Kana pari panyaya yezvikamu zvidiki zveropa, muKristu mumwe nemumwe anofanira kusarudza ega achitungamirirwa nehana yake yakadzidziswa neBhaibheri. Vamwe vanogona kuramba kurapwa kana pachishandiswa zvikamu zvidiki zveropa. Vamwewo vanogona kuona hana dzavo dzichivabvumira.

Paunenge uchisarudza kuti woita zvipi, funga nezvemubvunzo uyu:

  • Ndingatsanangurire sei chiremba chikonzero changu chekuramba kana kuti chekubvuma zvimwe zvikamu zvidiki zveropa?

MUMWE MUNHU ANOGONA KUBVUNZA KUTI: “Chiiko chakaipa nekuwedzerwa ropa?”

  • Iwe unoona sei nyaya yekuwedzerwa ropa?

PFUPISO

Jehovha haadi kuti tishandise ropa zvisiri izvo.

Kudzokorora

  • Nei Jehovha achiti ropa idzvene?

  • Tinoziva sei kuti mutemo waMwari wekuti tirege ropa unoshandawo panyaya yekuwedzerwa ropa?

  • Ungasarudze sei zvakanaka panyaya yekurapwa pachishandiswa ropa?

Edza Izvi

WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA

Ndezvipi zvaunofanira kufunga nezvazvo pakusarudza nzira dzekurapwa nadzo dzinosanganisira kushandiswa kweropa rako pachako?

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi” (Nharireyomurindi, October 15, 2000)

Unofanira kufunga nezvei paunenge uchifanira kusarudza kuti wobvuma here kana kuti woramba zvikamu zvidiki zveropa?

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi” (Nharireyomurindi, June 15, 2004)

Chii chakaita kuti mumwe chiremba abvume mutemo waJehovha panyaya yeropa?

“I Accepted God’s View of Blood” (Awake!, December 8, 2003)

Dzidza kuti vakuru vanoshanda mumaKomiti Ekukurukura Nezvipatara vanotsigira sei hama dzavo nehanzvadzi.

Jehovha Anotsigira Vanorwara (10:23)

a Ona Chidzidzo 35, “Zvatingaite Kana Tichifanira Kusarudza Zvekuita.”

b Ona  nhamba 5 pakanzi, “Kana Iri Nyaya Yezvikamu Zvidiki Zveropa”; Mamwe Mashoko 3, “Nzira Dzekurapwa Nadzo Dzinoshandiswa Ropa Remurwere.”

c Vamwe vanachiremba vanoshandisa shoko rekuti zvikamu zvidiki vachireva zvikamu zvikuru 4 zvinoumba ropa. Saka zvingatoreva kuti unofanira kutsanangura kuti haubvumi kuwedzerwa masero matsvuku, masero machena, maplatelets, kana plasma.