Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 44

Mhemberero Dzese Dzinofadza Mwari Here?

Mhemberero Dzese Dzinofadza Mwari Here?

Jehovha anoda kuti tinakidzwe neupenyu, kunyange kutopemberera pane dzimwe nguva. Asi anofadzwa nemazororo nemhemberero dzese here? Tingaratidza sei kuti tinoda Jehovha panyaya iyi?

1. Nei mhemberero dzakawanda dzisingafadzi Jehovha?

Zvingatokushamisa kuziva kuti mhemberero dzakawanda dzinopesana nemagwaro kana kuti dzakatangira muchihedheni. Mhemberero dzakadaro dzinogona kunge dzakabatana nekunamata kwenhema. Dzinogona kunge dzakabatana nechidhimoni kana kuti nepfungwa yekuti mweya wemunhu haufi. Dzimwe mhemberero dzakabva panyaya yekutenda mashura uye kuva nemhanza yakanaka. (Isaya 65:11) Jehovha anoudza vanhu vanomunamata kuti: “Ibvai pakati pavo, muzviparadzanise . . . musabata chinhu chisina kuchena.”2 VaKorinde 6:17. a

2. Jehovha anonzwa sei panoitwa mhemberero dzekukudza vanhu?

Jehovha anotiyambira kuti tichenjerere ‘kuvimba nemumwewo munhu.’ (Verengai Jeremiya 17:5.) Dzimwe mhemberero ndedzekukudza vatongi kana mauto. Dzimwewo ndedzekupemberera micherechedzo yenyika kana zuva radzakawana kuzvitonga. (1 Johani 5:21) Kwozoitawo dzimwe dzinokudza mapato ezvematongerwo enyika kana masangano anorwira kodzero dzevanhu. Jehovha anonzwa sei kana tikapa ruremekedzo rusina kukodzera kune mumwe munhu kana kuti sangano, ndoda kana munhu wacho kana kuti sangano racho richitopesana nechinangwa chake?

3. Ndezvipi zvinoitwa padzimwe mhemberero zvinoita kuti dzisafadze Mwari?

Bhaibheri rinorambidza ‘kunwa zvakapfurikidza, mitambo yekufara zvakapfurikidza, nemitambo yekunwa zvakanyanyisa.’ (1 Petro 4:3) Dzimwe mhemberero dzinoitwa vanhu vasingazvidzore uye vachiita unzenza. Tinofanira kusiyana netsika dzakadaro dzisina kuchena kana tichida kuramba tiri shamwari dzaJehovha.

WEDZERA KUONGORORA

Dzidza zvimwe zvaungaita kuti usarudze nekuchenjera panyaya yemhemberero nemazororo kuti ufadze Jehovha.

4. Ramba mhemberero dzisingafadzi Jehovha

Verengai VaEfeso 5:10, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo iyi:

  • Tisati tasarudza kuti topemberera zororo kana kuti kwete, tinofanira kuva nechokwadi chei?

  • Mazororo api akakurumbira kwaunogara?

  • Unofunga kuti mazororo acho anofadza Jehovha here?

Wakambozvibvunza here kuti Mwari anoti kudii nekupemberera mazuva ekuberekwa? MuBhaibheri, hapana munhu ainamata Jehovha anombotaurwa kunzi akapemberera zuva rekuberekwa, asi rinotaura nezvevanhu vaviri vaisashumira Mwari vakapemberera mazuva ekuberekwa. Verengai Genesisi 40:20-22 uye Mateu 14:6-10 mobva makurukura muchishandisa mibvunzo iyi:

  • Chii chakaitika pamhemberero dzacho dzese dziri mbiri?

  • Kubva munyaya dzataverenga muBhaibheri, unofunga kuti Jehovha anonzwa sei nezvekupemberera mazuva ekuberekwa?

Asi unogona kuramba uine mubvunzo wekuti, ‘Jehovha angabva aiita nyaya here kuti ndapemberera zuva rekuberekwa kana rimwe zororo rinopesana nezvinotaurwa muBhaibheri?’ Verengai Eksodho 32:1-8. Kana mapedza onai VHIDHIYO, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo iyi:

  • Nei tichifanira kuva nechokwadi chezvinhu zvinogamuchirika kuna Jehovha?

  • Tingazviita sei?

Tingaziva sei mhemberero dzisingafarirwi naMwari?

  • Yakatangira padzidziso dzisingabvi mumagwaro here? Kuti uwane mhinduro, ongorora matangiro ayakaita.

  • Inopa rukudzo rusina kukodzera kumunhu, sangano kana mucherechedzo wenyika here? Jehovha ndiye watinofanira kukudza kupfuura zvese uye ndiye watinofanira kuvimba naye kuti achagadzirisa matambudziko panyika.

  • Tsika dzinoitwa pamhemberero yacho hadzipesani nezvinotaurwa muBhaibheri here? Tinofanira kuramba tiine tsika dzakachena.

5. Batsira vamwe kuti varemekedze zvaunotenda

Zvakaoma kuramba kana vamwe vachida kuti upemberere navo mhemberero dzisingafadzi Jehovha. Vatsanangurire zvawava kutenda nemwoyo murefu uchingwarira kusavagumbura. Kuti uone kuti ungazviita sei, ngationei VHIDHIYO.

Verengai Mateu 7:12, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo iyi:

  • Tichishandisa zviri muvhesi iyi, unofanira kurambidza hama dzako kupemberera mazororo here kana dzichida hadzo kuapemberera?

  • Ungaita sei kuti uratidze mhuri yako kuti kunyange zvazvo usingapembereri mazororo navo, unovada uye vachiri kukosha kwauri?

6. Jehovha anoda kuti tifare

Jehovha anoda kuti tiwane nguva yekumbofara pamwe chete nehama neshamwari dzedu. Verengai Muparidzi 8:15, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo uyu:

  • Vhesi iyi inoratidza sei kuti Jehovha anoda kuti tifare?

Jehovha anoda kuti vanhu vanomunamata vambofarawo vachinakidzwa vari pamwe chete. Ngationei VHIDHIYO inoratidza izvozvo zvichiitika pamagungano enyika dzakawanda.

Verengai VaGaratiya 6:10, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo iyi:

  • Kuti ‘tiitire vamwe zvakanaka,’ tinofanira kupemberera mazororo akakurumbira here?

  • Kupa kupi kungakuita kuti ufare, kupa nemhaka yekuti izororo kana kuti kungopa zvichibva pamwoyo pako?

  • Zvapupu zvakawanda zvinopota zvichimborongera vana vazvo mazuva ekumbofara kana kutombovapa zvipo vasingatarisiri. Kana uine vana, ndezvipi zvinovafadza zvaunogona kumbovaitirawo?

VAMWE VANOTI: “Zvekuti zororo rakabva kupi hazvina basa izvo. Inyaya yekungofara chete nehama neshamwari.”

  • Ko iwe unotiwo kudii?

PFUPISO

Jehovha anoda kuti tiwane nguva yekumbofarawo nehama neshamwari dzedu. Asi anodawo kuti tisiyane nemhemberero dzisingamufadze.

Kudzokorora

  • Mibvunzo ipi yaungazvibvunza kuti uzive kuti mhemberero iyi inofadza Jehovha here kana kuti kwete?

  • Tingabatsira sei hama neshamwari kuti dzinzwisise kuti nei tichisarudza kusapemberera mamwe mazororo?

  • Unoziva sei kuti Jehovha anoda kuti timbonakidzwawo uye tifare?

Edza Izvi

WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA

Inzwa zvikonzero zvina zvinoita kuti titi Jehovha haafadzwi nekupemberera mazuva ekuberekwa.

“Nei Zvapupu zvaJehovha Zvisingapembereri Mazuva Okuberekwa?” (Nyaya iri paIndaneti)

Ona kuti vana vadiki vanoda Jehovha vangaita sei kuti vafadze Jehovha panguva dzemazororo.

Unokosha Kuna Jehovha (11:35)

Zviuru nezviuru zvevaKristu zvakasarudza kusapemberera Krisimasi. Unoti kudii nezvavakasarudza?

“Vakawana Chimwe Chinhu Chiri Nani Kupfuura Krisimasi” (Nharireyomurindi, December 1, 2012)

a Ona Mamwe Mashoko 5 kuti uone zvaungaita kana vamwe vauinavo vachida kupemberera rimwe zororo.