Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chikamu 3 Kudzokorora

Chikamu 3 Kudzokorora

Kurukurai mibvunzo inotevera nemunhu ari kudzidza newe Bhaibheri:

  1. Verengai Zvirevo 27:11.

    • Nei uchida kuramba wakavimbika kuna Jehovha?

      (Ona Chidzidzo 34.)

  2. Ungasarudza sei zvakanaka kana pasina mutemo wakajeka wemuBhaibheri unokuudza zvekuita?

    (Ona Chidzidzo 35.)

  3. Ungaita sei kuti uve munhu akatendeseka pazvinhu zvese?

    (Ona Chidzidzo 36.)

  4. Verengai Mateu 6:33.

    • Panyaya yekusarudza basa uye panyaya dzemari ungaratidza sei kuti unotanga “kutsvaga Umambo”?

      (Ona Chidzidzo 37.)

  5. Ungaratidza sei kuti unokoshesa upenyu sezvinoita Jehovha?

    (Ona Chidzidzo 38.)

  6. Verengai Mabasa 15:29.

    • Ungaratidza sei kuti unoteerera mutemo waJehovha panyaya yeropa?

    • Unofunga kuti Mwari haasi kutiomesera here nemutemo uyu?

      (Ona Chidzidzo 39.)

  7. Verengai 2 VaKorinde 7:1.

  8. Verengai 1 VaKorinde 6:9, 10.

    • Bhaibheri rinotii nezvebonde? Unobvumirana nezvarinotaura here?

    • Bhaibheri rinotii nezvekunwa?

      (Ona Chidzidzo 41 ne43.)

  9. Verengai Mateu 19:4-6, 9.

    • Mwari anotii nezvewanano?

    • Nei michato ichifanira kunyoreswa kana kudimburwa zviri pamutemo?

      (Ona Chidzidzo 42.)

  10. Imhemberero dzipi nemazororo zvisingafadzi Jehovha, uye nei zvisingamufadzi?

    (Ona Chidzidzo 44.)

  11. Verengai Johani 17:16 uye Mabasa 5:29.

    • Ungaramba sei usina kwawakarerekera panyaya dzezvematongerwo enyika?

    • Tinofanira kuita sei kana hurumende dzevanhu dzikatiudza kuti tiite chimwe chinhu chinopesana nemitemo yaMwari?

      (Ona Chidzidzo 45.)

  12. Verengai Mako 12:30.