Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chikamu 4 Kudzokorora

Chikamu 4 Kudzokorora

Kurukurai mibvunzo inotevera nemunhu ari kudzidza newe Bhaibheri:

  1. Verengai Zvirevo 13:20.

    • Nei uchifanira kusarudza shamwari nekuchenjera?

      (Ona Chidzidzo 48.)

  2. Mazano api ari muBhaibheri angakubatsira kana uri . . .

    • murume kana mudzimai?

    • mubereki kana mwana?

      (Ona Chidzidzo 49 and 50.)

  3. Matauriro akaita sei anofadza Jehovha? Matauriro akaita sei asingafadzi Jehovha?

    (Ona Chidzidzo 51.)

  4. Mazano api ari muBhaibheri achakubatsira pakusarudza zvakanaka panyaya yemapfekero uye kuratidzika?

    (Ona Chidzidzo 52.)

  5. Ungasarudza sei zvekuzvivaraidza nazvo zvinofadza Jehovha?

    (Ona Chidzidzo 53.)

  6. Verengai Mateu 24:45-47.

    • Ndiani anonzi “muranda akatendeka, akangwara”?

      (Ona Chidzidzo 54.)

  7. Ungashandisa sei nguva yako, simba rako, uye zvauinazvo pakutsigira ungano?

    (Ona Chidzidzo 55.)

  8. Verengai Pisarema 133:1.

    • Ungaitawo sei kuti ungano irambe yakabatana?

      (Ona Chidzidzo 56.)

  9. Jehovha anotibatsira sei kana taita chivi chakakura?

    (Ona Chidzidzo 57.)

  10. Verengai 1 Makoronike 28:9 uye mashoko emuzasi.

    • Ungaratidza sei kuti wakazvipira kuna Mwari vamwe pavanenge vachipikisa chokwadi kana kuti pavanosiya chokwadi?

    • Kuti urambe wakazvipira kuna Mwari unofanira kuzviparadzanisa nechitendero chenhema, unofunga kuti pane paunofanira kugadzirisa here?

      (Ona Chidzidzo 58.)

  11. Ungaita sei kuti ugare wakagadzirira kutambudzwa?

    (Ona Chidzidzo 59.)

  12. Ndezvipi zvawaronga kuita zvichakubatsira kuramba uchikura pakunamata?

    (Ona Chidzidzo 60.)