Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndava Kukwanisa here?

Ndava Kukwanisa here?

Ndava Kukwanisa Kuparidza Neungano Here?

Unokwanisa kuparidza neungano usati wabhabhatidzwa kana . . .

  • Uchigara uchidzidza Bhaibheri, uchinyengetera, uye uchipinda misangano yeungano.

  • Uchikoshesa zvauri kudzidza, uchinyatsobvuma kuti ndezvechokwadi uye uchida kuudzawo vamwe.

  • Uchida Jehovha uye uchishamwaridzana nevaya vanomuda.

  • Usisiri nhengo yebato rezvematongerwo enyika kana yechitendero chenhema.

  • Uchirarama maererano nemitemo yaMwari iri muBhaibheri uye uchida kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha.

Kana wava kuda kuparidza neungano, ari kudzidza newe Bhaibheri acharonga kuti vakuru vazokurukura newe vokuudza zvinodiwa.

Ndava Kukwanisa Kubhabhatidzwa Here?

Unokwanisa kubhabhatidzwa kana . . .

  • Uri muparidzi asati abhabhatidzwa.

  • Uchigara uchiparidza.

  • Uchitsigira uye uchitevedzera mirayiridzo inobva ‘kumuranda akatendeka, akangwara.’—Mateu 24:45-47.

  • Wakanyengetera kuna Jehovha uchizvitsaurira kwaari uye uchida kumushumira nekusingaperi.

Kana wava kuda kubhabhatidzwa, ari kudzidza newe Bhaibheri acharonga kuti vakuru vazokurukura newe vokuudza zvinodiwa.