Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 8

Mwari Anoda Vanhu Vakachena

Mwari Anoda Vanhu Vakachena

“Muchava akachena kumunhu anoramba akachena.”​—PISAREMA 18:26.

1-3. (a) Nei amai vachiva nechokwadi chokuti mwanakomana wavo akachena? (b) Nei Jehovha achida kuti vanamati vake vave vakachena, uye chii chichaita kuti tide kugara takachena?

AMAI vanogadzirira kakomana kavo kane kwakari kuda kuenda. Vanova nechokwadi chokuti kageza uye kuti mbatya dzako dziri kuratidzika zvakanaka uye dzakachena. Vanoziva kuti utsanana hunokosha kuti kagare kaine utano hwakanaka. Vanozivawo kuti kutaridzika kunoita mwanakomana wavo kunoratidza kuti ane vabereki vorudzii.

2 Jehovha, Baba vedu vokudenga, vanoda kuti vashumiri vavo vave vakachena. Shoko rake rinoti: “Muchava akachena kumunhu anoramba akachena.” * (Pisarema 18:26) Jehovha anotida uye anoziva kuti kugara takachena kunotibatsira. Sezvo tiri Zvapupu zvake, anotarisirawo kuti tisamunyadzisa. Chokwadi kana tichiratidzika zvakanaka uye tsika dzedu dzakanaka, zvichaita kuti Jehovha asashorwa pamwe chete nezita rake dzvene, uye kuti akudzwe.—Ezekieri 36:22; verenga 1 Petro 2:12.

3 Kuziva kuti Mwari anoda vanhu vakachena kunoita kuti tide kugara takachena. Tinoda kuti mararamiro edu amukudze nokuti tinomuda. Tinodawo kuramba tiri murudo rwake. Saka ngationgororei kuti: Nei tichifanira kugara takachena? Kuva vakachena kunorevei? uye, Tingaitei kuti tigare takachena? Kuongorora kwakadaro kunogona kutibatsira kuona kana paine zvatinofanira kugadziridza.

NEI TICHIFANIRA KUGARA TAKACHENA?

4, 5. (a) Ndechipi chikonzero chikuru nei tichifanira kugara takachena? (b) Rucheno rwaJehovha runooneka sei pazvinhu zvaakasika zvatinoona?

4 Jehovha anotidzidzisa kuti timutevedzere. Iyi ndiyo imwe yenzira dzaanoshandisa pakutitungamirira. Ndosaka Shoko rake richitikurudzira kuva “vatevedzeri vaMwari.” (VaEfeso 5:1) Hechino chikonzero chikuru nei tichifanira kugara takachena: Jehovha, Mwari watinonamata akachena, uye mutsvene muzvinhu zvose.​—Verenga Revhitiko 11:44, 45.

5 Kufanana nezvimwe zvose zvaari uye nzira dzake, Jehovha anooneka kuti akachena pazvinhu zvaakasika zvatinoona. (VaRoma 1:20) Pasi rakagadzirwa kuti rive musha wakachena wevanhu. Jehovha akaronga kuti pave nezvinhu zvakatipoteredza zvinogara zvichichenesa mweya watinofema uye mvura. Pane humwe utachiona hunodya tsvina hwoiita kuti isakuvadza. Masayendisiti anowanzoshandisa humwe utachiona ihwohwo kuti huchenese panenge parasikira oiri uye kumwe kusvibiswa kwezvakatipoteredza kunokonzerwa nevanhu vane makaro. Zviri pachena kuti “Muiti wenyika” anokoshesa utsanana. (Jeremiya 10:12) Nesuwo tinofanira kuhukoshesa.

6, 7. Mutemo waMosesi waisimbisa sei kuti vanamati vaJehovha vaifanira kuva vakachena?

6 Chimwe chikonzero nei tichifanira kugara takachena ndechokuti Jehovha, Mutongi wedu, anoda kuti vanamati vake vave vakachena. MuMutemo wakapiwa vaIsraeri naJehovha, kuchena kwakanga kwakanyatsobatana nokunamata. Mutemo wainyatsotaura kuti paZuva Rokuyananisira, mupristi mukuru aifanira kugeza muviri kaviri. (Revhitiko 16:4, 23, 24) Vapristi vainge vari pabasa vaifanira kugeza maoko avo netsoka vasati vapa zvibayiro kuna Jehovha. (Eksodho 30:17-21; 2 Makoronike 4:6) Mutemo waitaura zvinhu 70 zvainzi zvinosvibisa muviri womunhu uye zvaimuita kuti anzi haana kuchena maererano netsika. Paainge asina kuchena, muIsraeri aisagona kuita chero chii zvacho chaiva nechokuita nokunamata, dzimwe nguva achitogona kuurayiwa akasazvitevedzera. (Revhitiko 15:31) Munhu wose airamba kuzvichenesa, uko kwaisanganisira kugeza muviri wake nembatya, aifanira “kuparadzwa pakati peungano.”—Numeri 19:17-20.

7 Kunyange zvazvo tisiri pasi poMutemo waMosesi, unotibatsira kunzwisisa mafungiro aMwari panyaya dzakadaro. Zviri pachena kuti Mutemo waisimbisa kuti vaya vainamata Mwari vaifanira kuva vakachena. Jehovha haana kuchinja. (Maraki 3:6) Haagamuchiri kunamata kwedu kunze kwokunge “kwakachena uye kusina kusvibiswa.” (Jakobho 1:27) Saka tinofanira kuziva zvaanoda kuti tiite panyaya iyi.

CHINONZI KUCHENA NAMWARI

8. Jehovha anoda kuti tive vakachena muzvinhu zvipi?

8 MuBhaibheri, kuva akachena hakungorevi kuva noutsanana. Mukuona kwaMwari tinofanira kuva vakachena pane zvose zvatinoita muupenyu. Jehovha anoda kuti tive vakachena muzvinhu zvina zvinokosha. Anoda kuti tive vakachena panyaya dzekunamata, patsika dzedu, mupfungwa uye kuti tive neutsanana. Ngatikurukurei chimwe nechimwe chazvo.

9, 10. Kuramba takachena panyaya dzekunamata kunorevei, uye vaKristu vechokwadi vanotambira kure nechii?

9 Kuchena panyaya dzekunamata. Zvichitaurwa nenzira iri nyore, kuramba takachena mukunamata kunoreva kusasanganisa kunamata kwechokwadi nokwenhema. VaIsraeri pavakabuda muBhabhironi vachidzokera kuJerusarema, vaifanira kuteerera mashoko aya akafuridzirwa: “Budai imomo, musabata chinhu chisina kuchena; . . . rambai makachena.” (Isaya 52:11) VaIsraeri vaidzokera kumusha kwavo zvikurukuru kunoita kuti Jehovha atangezve kunamatwa. Kunamata ikoko kwaifanira kuva kwakachena, kusina kusvibiswa nedzimwe dzidziso dzaishora Mwari, maitiro uye tsika zvechitendero chokuBhabhironi.

10 Nhasi uno, isu sevaKristu vechokwadi tinofanira kungwarira kuti tisasvibiswa nokunamata kwenhema. (Verenga 1 VaKorinde 10:21.) Ndezvokutongwarira nokuti kunamata kwenhema kuri pose pose. Munyika dzakawanda, tsika dzakasiyana-siyana nezvimwe zvinoitwa zvakabatana nedzidziso dzenhema, dzakadai sokuti mumunhu mune chimwe chinhu chisingafi. (Muparidzi 9:5, 6, 10) VaKristu vechokwadi vanotambira kure netsika dzinobatanidza dzidziso dzechitendero chenhema. * Hatipesani nezvinotaurwa neBhaibheri nezvokunamata kwakachena nemhaka yokuti tamanikidzwa nevamwe vanhu.—Mabasa 5:29.

11. Kuva netsika dzakachena kunorevei, uye nei zvichikosha kuti tirambe takachena mutsika?

11 Kuva netsika dzakachena. Kuramba tiine tsika dzakachena kunoreva kusiyana zvachose nounzenza hwepabonde. (Verenga VaEfeso 5:5.) Zvinokosha kuti tirambe tiine tsika dzakachena. Sezvatichaona muchitsauko chinotevera chebhuku rino, kuti tirambe tiri murudo rwaMwari, tinofanira ‘kutiza ufeve.’ Vanoita ufeve vasingapfidzi “havazogari nhaka youmambo hwaMwari.” (1 VaKorinde 6:9, 10, 18) Mwari anoona vakadaro ‘sevanonyangadza mutsvina yavo.’ Kana vakatadza kuramba vaine tsika dzakachena, “mugove wavo uchava . . . rufu rwechipiri.”—Zvakazarurwa 21:8.

12, 13. Pfungwa nezviito zvinobatana papi, uye tingaramba sei takachena mupfungwa?

12 Kuva nepfungwa dzakachena. Pfungwa ndidzo dzinotanga pozotevera zviito. Kana tikarega mafungiro akaipa achidzika midzi mupfungwa dzedu nemwoyo, zviri nyore kuti tiite zvinhu zvisina kuchena. (Mateu 5:28; 15:18-20) Asi kana tikagara tichifunga zvinhu zvakachena, zvichaita kuti tive netsika dzakachena. (Verenga VaFiripi 4:8.) Tingagara sei tichifunga zvakachena? Chimwe chatingaita ndechokusiyana nevaraidzo yose inogona kusvibisa pfungwa dzedu. * Tinogonawo kuisa pfungwa dzakachena mumusoro medu nokugara tichidzidza Shoko raMwari.—Pisarema 19:8, 9.

13 Kuti tirambe tiri murudo rwaMwari, zvinokosha kuti tigare takachena panyaya dzekunamata, uye tive netsika nepfungwa zvakachena. Zvitatu izvi zvinokurukurwa zvakazara mune zvimwe zvitsauko zvebhuku rino. Muchitsauko chino ngatikurukurei chechina chacho, utsanana.

TINGAVA SEI NOUTSANANA?

14. Nei utsanana husiri nyaya yokuti munhu azvionere pasina anomubvunza?

14 Utsanana hunoreva kugara miviri yedu uye zvinhu zvedu zvakachena. Utsanana hwakadaro inyaya yokuti munhu azvionere pasina anomubvunza here? Vanamati vaJehovha havangambooni zvinhu nenzira yakadaro. Sezvatatokurukura, kuva noutsanana kunokosha kuna Jehovha, nokuti kunotibatsira uye kunoratidza kuti Mwari watinonamata akaita sei. Funga nezvomuenzaniso uya wambotaurwa. Mwana anogara aine tsvina kana kuti akangoti nyangarara anoita kuti ufunge kuti vabereki vake vakamboita sei, handizvo here? Hatingadi kuti tiratidzike kana kuti tirarame nenzira inoshoresa Baba vedu vokudenga kana kuti zvitadzise vanhu kuteerera shoko ratinoparidza. Shoko raMwari rinoti: “Hatimbopi chero chikonzero chipi zvacho chokugumbuka, kuti ushumiri hwedu hurege kuwanirwa mhosva; asi munzira dzose tinoratidza kuti tiri vashumiri vaMwari.” (2 VaKorinde 6:3, 4) Saka tingaramba sei tiine utsanana?

15, 16. Utsanana hunosanganisirei, uye mbatya dzedu dzinofanira kugara dzakaita sei?

15 Kugeza uye kutaridzika kwedu. Kunyange zvazvo tsika nemagariro zvichisiyana maererano nenyika dzatinogara, kazhinji kacho tinogona kuwana sipo yokugara tichigeza muviri kuti isu nevana vedu tigare takachena. Utsanana hunosanganisira kugeza maoko edu nemvura nesipo tisati tadya kana kuti kubata zvokudya, tabva muchimbuzi, uye tabva kugezesa mwana kana kumuchinja napukeni. Kugeza maoko nemvura nesipo kunogona kutidzivirira pazvirwere zvinouraya. Kunogona kuita kuti utachiona hunouraya husapararire, zvobatsira kuti vanhu vasaita manyoka. Munzvimbo dzisina zvimbuzi, tsvina inogona kuita zvokuchererwa pasi, sezvaiitwa nevaIsraeri.—Dheuteronomio 23:12, 13.

16 Mbatya dzeduwo dzinoda kugara dzichiwachwa, dzochena uye dzichiratidzika zvakanaka. Hazvirevi hazvo kuti mbatya dzomuKristu dzinofanira kuva dzinodhura kana kuti dziri mufashoni, asi dzinofanira kuva dzakanaka, dzakachena, uye dzine mwero. (Verenga 1 Timoti 2:9, 10.) Pasinei nokwatinogara, tinoda kuratidzika zvakanaka kuti ‘tishongedze dzidziso yoMuponesi wedu, iye Mwari.’—Tito 2:10.

17. Nei musha wedu nezvinhu zvedu zvichifanira kuva zvakachena uye zvichiratidzika?

17 Musha wedu nezvinhu zvedu. Musha wedu ungasava zvawo wemaoresa, asi nepatinogona napo, unofanira kuva wakachena uye uchiratidzika. Uyewo kana tichishandisa motokari kuenda kumisangano nokuushumiri, tinofanira kuita zvose zvatinokwanisa kuti igare yakachena mukati nokunze. Ngatisakanganwa kuti musha wakachena nezvinhu zvakachena zvinogona kupa uchapupu sezvo tiri isu tinodzidzisa vanhu kuti Jehovha ndiMwari akachena, uye kuti ‘achaparadza vaya vanoparadza nyika,’ uye kuti Umambo hwake huchachinja musha wedu wepasi kuti uve paradhiso. (Zvakazarurwa 11:18; Ruka 23:43) Zvechokwadi tinoda kuti musha wedu nezvinhu zvedu zviratidze vamwe kuti takatotanga kuva netsika dzinoenderana nenyika itsva iri kuuya.

Utsanana hunoreva kugara miviri yedu uye zvinhu zvedu zvakachena

18. Tingaratidza sei kuti tinoremekedza Imba yedu yoUmambo?

18 Nzvimbo yatinonamatira. Kuda kwatinoita Jehovha kunoita kuti tiremekedze Imba yoUmambo, inova ndiyo muzinda wokunamata kwechokwadi munharaunda yedu. Vanhu vatsva pavanouya kuImba yoUmambo, tinoda kuti vagutsikane kuti inzvimbo inonamatirwa. Imba iyoyo inoda kugara yakachena uye zvinhu zvose zvichishanda zvakanaka kuitira kuti irambe yakanaka uye ichiyevedza. Tinoiremekedza kuburikidza nokuita kuti igare yakachena, zvinhu zvose zvichitaridzika uye zvichishanda zvakanaka. Tine mukana wakanaka wokuzvipira kuti tibatsire nokuchenesa uye “kugadziridza nokugadzira” nzvimbo yedu yatinonamatira. (2 Makoronike 34:10) Ndizvo zvatinoitawo kana tichipindira paImba Yemagungano kana pane imwe nzvimbo.

KUREGA TSIKA NEMAITIRO ZVINOSVIBISA

19. Kuti miviri yedu igare yakachena, zvii zvatinofanira kurega, uye Bhaibheri rinotibatsira sei panyaya yacho?

19 Kuti miviri yedu irambe yakachena, tinofanira kurega tsika nemaitiro anosvibisa, zvakadai sokuputa fodya, kunwisa doro, uye kushandisa mbanje nemimwe mishonga inodhaka kana inokanganisa pfungwa uye inopinda muropa, asi zvisingaitirwi kurapa. Bhaibheri haritauri tsika dzose nemaitiro zvisina kuchena uye zvinosemesa zvakapararira mazuva ano, asi rine zvarinotaura zvinotibatsira kunzwisisa kuti Jehovha anonzwa sei nezvinhu zvakadaro. Sezvo tichiziva maonero aJehovha, kuda kwatinomuita kunoita kuti tiite zvinhu zvinoita kuti atifarire. Ngatikurukurei zvinhu zvishanu zvinotaurwa neMagwaro.

20, 21. Jehovha anoda kuti tisiyane nemaitiro akaita sei, uye chikonzero chipi chakasimba chinoita kuti timuteerere?

20 “Vadiwa, zvatiine zvipikirwa izvi, ngatizvichenesei pazvinhu zvose zvinosvibisa nyama nomudzimu, tichikwanisa utsvene pakutya Mwari.” (2 VaKorinde 7:1) Jehovha anoda kuti tisiyane nemaitiro anosvibisa miviri yedu uye anokuvadza mudzimu, kureva mafungiro edu. Saka tinofanira kurega tsika dzinoita kuti tipindwe muropa nezvinhu zvinozivikanwa kuti zvinotikuvadza muviri nepfungwa.

21 Bhaibheri rinotipa chikonzero chakasimba chokuti ‘tizvichenese pazvinhu zvose zvinosvibisa.’ Ona kuti 2 VaKorinde 7:1 inotanga nokuti: “Zvatiine zvipikirwa izvi.” Zvipikirwa zvipi? Sezvinotaurwa mundima dzinoitangira, Jehovha anovimbisa kuti: “Ndichakugamuchirai. Ndichava baba venyu.” (2 VaKorinde 6:17, 18) Chimbozvifunga: Jehovha anovimbisa kukudzivirira uye kukuda sezvinoita baba vanoda mwanakomana kana kuti mwanasikana wavo. Kuti Jehovha aite zvaakavimbisa izvi hunge iwe warega zvinosvibisa “nyama nomudzimu.” Saka hauoni kusiri kuchenjera here kurega tsika nemaitiro zvinosemesa zvichiparadza ukama hwako naJehovha hunokosha zvakadaro?

22-25. Mashoko api ari muMagwaro anogona kutibatsira kurega tsika nemaitiro zvinotisvibisa?

22 “Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose nepfungwa dzako dzose.” (Mateu 22:37) Jesu akataura kuti uyu ndiwo murayiro mukuru pane yose. (Mateu 22:38) Zvakakodzera kuti tide Jehovha zvakadaro. Kuti timude nomwoyo wose, nomweya wose, uye nepfungwa dzose, tinofanira kusiyana nemaitiro anogona kudimburira upenyu hwedu panzira kana kuti anogona kukanganisa pfungwa dzedu dzatakapiwa naMwari.

23 “[Jehovha] anopa vanhu vose upenyu nemhepo yokufema nezvinhu zvose.” (Mabasa 17:24, 25) Upenyu chipo chinobva kuna Mwari. Tinoda wacho akachipa, saka tinoda kuchikoshesa. Tinosiyana netsika uye maitiro chero api zvawo anokanganisa utano hwedu, nokuti tinoziva kuti anoratidza kusakoshesa zvikuru chipo choupenyu.—Pisarema 36:9.

24 “Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.” (Mateu 22:39) Tsika nemaitiro zvisina kuchena zvinowanzokuvadza vanozviita vacho uyewo nevamwe vakavapoteredza. Somuenzaniso, kufema utsi hwefodya iri kuputwa nomumwe munhu kunogona kukuvadza vanhu vasingaputi. Munhu anokuvadza vanhu vakamupoteredza ari kutyora mutemo waMwari wokuda muvakidzani. Uyewo kana akati anoda Mwari anenge achireva nhema.—1 Johani 4:20, 21.

25 “Ramba uchivayeuchidza kuti vazviise pasi uye kuti vateerere hurumende nevanhu vane masimba.” (Tito 3:1) Munyika dzakawanda kushandisa kana kuti kuva nezvimwe zvinhu zvinodhaka kana mimwe mishonga kutyora mutemo. SevaKristu vechokwadi, hatishandisi uye hatigari nezvinhu zvakadaro zvisiri pamutemo.—VaRoma 13:1.

26. (a) Tinofanira kuitei kuti tirambe tiri murudo rwaMwari? (b) Nei kuramba takachena pamberi paMwari ari iwo mararamiro akanakisisa?

26 Kuti tirambe tiri murudo rwaMwari, tinofanira kuramba takachena, muzvinhu zvose. Hazvisi nyore kurega uye kutambira kure netsika uye maitiro anosvibisa, asi zvinoita. * Chokwadi, hapana mararamiro ari nani kupfuura iwayo, nokuti Jehovha anogara achitidzidzisa zvinotibatsira. (Verenga Isaya 48:17.) Chinonyanya kukosha ndechokuti kana tikaramba takachena tichagutsikana nokuziva kuti tiri kuita kuti Mwari watinoda akudzwe, zvoita kuti tirambe tiri murudo rwake.

^ ndima 2 Shoko rakashandurwa kuti “kuchena” dzimwe nguva rinoreva utsanana asi kakawanda rinoreva tsika dzakachena kana kuti kunamata kwakachena.

^ ndima 67 Zita rakachinjwa.